Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri weMutungamiri weBuild Zimbabwe VaPilbrough Vanoshaya


VaWilliam Pilbrough
VaWilliam Pilbrough

Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reBuild Zimbabwe VaWilliam Widzo Pilbrough, muchena mumwe chete ane chigaro chakadai mumapato ezvematongerwo enyika vakashaya nezuro masikati mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Mutungamiri weBuild Zimbabwe Doctor Noah Manyika vaudza Studio 7 kuti vashamisika zvikuru nerufu urwu uye varwadziwa zvakanyanya.

VaPilbrough muna 2017 vakamboendesa vaiva mabharani mukuru VaTobaiwa Mudede kumatare mushure mekunge vada kuvati havasi chizvarwa cheZimbabwe sezvo vakange vaberekerwa kuBritain.

Doctor Manyika vati mufi asiya mudzimai nevana vaviri. Vati munhu aida nyika yeZimbabwe zvekuti vakamboshanda kunze asi vakadzokera kunovaka nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG