Zvimwe zvipangamazano zveUnited Nation’s munyaya dzezvekodzero dzevanhu zvaburitsa mashoko zvichiti mitemo yehurumende yeZimbabwe iri kupa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere zvichiomesera varombo.
Zvipangamazano izvi zvinoti vanhu vanoda kuratidzira vanobva vambunyikidzwa nekutyorerwa kodzero dzavo.
Hurumende yeZimbabwe kunze kwekumbunyikidza vanhu yanzi haina chairi kuita kubatsira varombo vari kunonga svosve nemuromo.
Panyaya yegurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti vanhu vanofanira kusunga dzisimbe, nyanzvi idzi dzati pane dambudziko rekuti varombo ndivo vari kungotakudzwa mutoro wacho nyanzvi idzi dzinosanganisa VaPhilip Alston (Australia), vanoona nezvenzara nehurombo, Amai Dubravka Simonović (Croatia), vanoona nezvekodzero dzemadzimai, VaSeong-Phil Hong (Republic of Korea), vanoona nezvekusungwa kwevanhu vasina mhosva, Amai Agnès Callamard (France), vanoona nezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu VaDavid Kaye (America) vanoona nezvekuchengetedzwa dzevanhu dzekutaura vakasungunuka VaJuan Pablo Bohoslavsky (Argentina) vanoona nezvezvikwereti uye VaLéo Heller (Brazil), vanoona nezvekodzero dzevanhu panyaya dzemvura.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi
Facebook Forum