Vamwe vagari vekuNgangu vanoti vari kukurudzira hurumende nemasangano akazvimirira oga kuti avabatsire nematende ekugara sezvo vakasiiwa vasina dzimba dzekugara nedutumupengo cyclone idai.
Mumwe mugari, Vapardon Maguta, avo vanove mugari wekuNgangu, kuChimanimani East, vanoti mhuri zhinji dzichiri kugara muzvikoro nemachechi nenyaya yekushaya matende.
United Nations yakatombotumira matende asi haasi kukwanira vagari. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.
Zvichakadaro, sangano reInternational Organisation of Migration, IOM, rinoti riri kutsvaga rubatsiro rwemari inosvika mamiriyoni manomwe ane mazana maviri ezviuru zvemadhora zvemari yekuAmerica yekubatsira nayo vanhu vemuZimbabwe vanosvika makumi mapfumbamwe ezviuru vakavhiringidzwa nedutumupengu Cyclone Idai.
Mugwaro rakaburitswa nesangano iri nemusi weSvondo, inoti imwe yemari iyi ichaenda mukuona kuti vanhu vakawirwa nedambudziko ava vawanirwa pekugara.
Sangano iri rinotiwo rine shuviro yekupa matunhu akakanganiswa nemafashamu aya rubatsiro rwunosvika kure.
Facebook Forum