Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inonzi Ine Zvekudzidza Zvakawanda Kubva kuRwanda


VaCyril Ramaphosa veku South Africa, VaPaul Kagame vekuRwanda uye VaEmmerson Mnangagwa
VaCyril Ramaphosa veku South Africa, VaPaul Kagame vekuRwanda uye VaEmmerson Mnangagwa

Nyika dzepasi rino dziri kubatana mukucherechedza makore makumi maviri nemashanu kubva zvatanga hondo yemarudzi kuRwanda muna 1994.

Munyika iyi makafa vanhu vanotoda kusvika miriyoni imwe chete pakurwisana kwemaHutu nemaTutsi kwakatanga apo ndege yemutungamiri wenyika iyi VaJuvenal Habyarimana yakapfurwa ikadonha muKigali.

Izvi zvakabva zvapa kuti vechiHutu varwise maTutsi uye vamwe vavo vaida kuvachengetedza.

Asi ikozvino kunyangwe paine mutauro panyaya dzehutongo hwejekerere pasi paVaPaul Kagame.

Rwanda yave kuita zviri nani munyaya dzezvehupfumi kudarika Zimbabwe iyo yakamboitawo dambudziko regukurahundi.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaPromise Sande vanoti Zimbabwe ine zvakawanda zvekudzidza kubva kuRwanda.

Hurukuro naVaPromise Sande
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG