Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veDynamos Vonetsana neMapurisa Mushure Mekukundwa muPSL


Vatsigiri veDynamos vanetsana nemapurisa anorwisa mhirizhonga kana kuti riot police nhasi mushure mekunge chikwata chavo chakundwa 1-0 neHerentals kuRufaro Stadium mumutambo weCastle Premier Soccer League.

Vatsigiri ava havasi kufara mushure mekunge chikwata ichi chakundwa 2-0 neChicken Inn mumutambo wePSL uye kukundwa nezvibodzwa zviviri zvekare neHighlanders mumutambo weIndependence Cup.

Asi Dynamos handiyo chete iri kutatarika sezvo Highlanders yakundwawo 1-0 neTriangle.

Muongorori wenhau dzemitambo Muziwethu Hadebe anoti zvinonetsa kugadzirisa chikwata cheDynamos kana kusina vatambi vacho asi akati kuHighlanders zviri nani asi zvinoda nguva chete sezvo vatambi ava vakambopedza mavhiki vachiramwa kuita gadziriro nekusabhadharwa.

Hurukuro naVaMuziwethu Hadebe
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG