Vamwe vagari vekuMasvingo vari kuchema chema zvikuru nenyaya yekukwira kwemitengo yezvekudya zvapa kuti vanonge svosve nemuromo.
Vagari ava vaudza Studio 7 kuti mitengo yezvinhu muzvitoro iri kuramba ichiita chamuramba mhuru izvo zviri kuita kuti vadye kamwechete kana kaviri pazuva.
Pakupera kwesvondo mitengo yezvinhu zvizhinji zvakaita sehupfu, nyama, mafuta ekubikisa pamwe ne mupurunga yakakwidzwa nezvikamu zvinoda kusvika zvikamu zvisere kubva muzana.
Amai Emilia Muchabiwa, vanoti ivo nemhuri yavo vakatodzikisa huwandu hwechikafu chavanodya.
Vashandi vazhinji vari kuchema chaema kuti apo mitengo yezvinhu iri kukwira mazuva ose mari yavanotambira pamwedzi haisi kuwedzerwa.
Vazhinji vanoti mitengo yezvinhu irikukwira apo vabereki vakatarisana nekuvhurwa kwezvikoro svondo rinouya zvichatowedzera matambudziko avo.
VaZivanai Chikwanda vekwa Mucheke vanoti hurumende inofanira kuona kuti yagadzirisa nyaya dzehupfumi hwenyika kuti vanhu vasarame nehwaku mukwaku.
Chisaga chehupfu chinorema makeyiji gumi chaiita madhora masere svondo rapera chavakuita madhora makumi mashanu, apowo keyiji yenyama yaiita madhora mapfumbamwe yave kuita madhora makumi manomwe, makeyiji maviri emupunga aiita madhora mashanu ave kuita madhora mapfumbamwe.
Chingwa change chichiri kuita madhora maviri memakumi mashanu kumamwe makambani anobika chingwa chakawedzerwa kusvika pamadhora matatu nemakumi mashanu semari iri kungotengeswa chingwa ichi nekambani ye Bakers Inn chete svondo rapfuura. Mutengo wedoro wakawedzerwawo svondo rapera.
Vezvitoro vemuMasvongo vataura neStudio 7 varamba kudomwa mazita avo vanoti mitengo yezvinhu irikukwidza nekuti varikuhodha zvinhu nemari yekunze yeku Amereka vozotengesa ne ye munyika ye ma RTGS nekudaro vanoisa mitengo inoenderana nemari yavari kuhodesa.
Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries VaSifelani Jabangwe vakaudzawo Studio 7 kuti nekuda kwekuti mari yekunze haisi kuwanikwa kumabhanga, vamwe vave kutenga pamukoto ichidhura.
Asi vamwe vakaita saVaNickson Kwiriayi vanoti hurumende inofanira kubvisa mari yemunyika ye maRTGS neBond vanhu vashandisa mari yekuAmerica isingaperi simba.
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakamboudza Studio 7 kuti hurumende iri kushupikana zvikuru nenyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu.
Vachitaura svondo rapfuura kuZimbabwe International Trade Fair kuBulawayo, mumwe mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantine Chiwenga, vakashoropodza vezvitoro vachivapomera mhosva yekukwidza mitengo yezvinhu vachiti vanhu vari kuda kupidigura hurumende.
Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaMasimba Gonese, vanoti vezvitoro havana mhosva sezvo hurumende irikutadza kugadzirisa nyaya dzezve hupfumi hwenyika nekuisa mitemo yakanaka inokwezva mabhizimusi ekunze munyika.
Facebook Forum