Accessibility links

Breaking News

Burundi Yotsvaga Rutsigiro rweZimbabwe Kuti Ive Nhengo yeSADC


VaCyril Ramaphosa naVaEmmerson Mnangagwa
VaCyril Ramaphosa naVaEmmerson Mnangagwa

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBurundi, VaEzechiel Mbigira, vanovazve nhumwa yemutungamiri wenyika iyi, VaPierre Nkurunzinza, vaita hurukuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kumahofisi avo eMunhumutapa muHarare vachida rutsigiro rwekuti nyika yavo ibvumidzwe kuva nhengo yemubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica weSADC.

Burundi yakaisa chikumbiro chekupinda muSADC muna 2017 asi kusvika pari zvino haisati yapihwa mhinduro.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaMbigira vati vane chivimbo chekuti Zimbabwe sezvo iine nhoroondo yakafana neBurundi ichaibatsira kuti ibvumidzwe kuve nhengo yeSADC.

Gungano reSADC pari zvino rine nyika gumi nenhahatu.

Burundi iri mugungano reEast African Community rine nyika dzinoti, Rwanda, South Sudan, Tanzania, neUganda.

MuBurundi pari zvino hamuna kugadzikana mushure mekunge VaNkurunzinza vawedzera makore ekuti munhu atungamire nyika iyi.

Muna 2015 apo hutungamiri hwavo hwainge hasvika kwmvura yacheka makumbo sezvaidiwa nebumbiro remutemo VaNkrunzinza vakabva vavandudza bumbiro remitemo yenyika zvakashorwa neAfrican Union neUnited Nations. Vanhu vanodarika zviuru mazana mashanu vakabva vaenda muhupoteri.

Vanhu pavakaratidzira kusafara kwavo nedanho iri vakatanga kupfurwa nemauto nekumbunyikidzwa.

Sachigaro wedare rekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vati vanotsigira danho reBurundi sezvo zvichibatsira munyaya dzekutengeserana muAfrica.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti Burundi inotyora kodzero dzevanhu nekudaro haifanire kungoregwa ichipinda muSADC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG