Accessibility links

Breaking News

VaMuseveni Voitirwa Mabiko kuState House Vasati Vavhura ZITF


VaYoweri Museveni
VaYoweri Museveni

Mutungamiri wenyika yeUganda, VaYoweri Kaguta Museveni, vapinda munyika masikati ano vakatambirwa panhandare yendege nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMuseveni vaitirwa mabiko kuState House nemumwe wavo, sezvinoitwa patsika yekutambira mutungamiri wenyika anenge ashanyira Zimbabwe.

VaMuseveni ndivo vari kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo musangano wekutengeserana kuBulawayo weZimbabwe International Trade Fair.

Manheru ano vari kuitirwa mabiko kuState House nenguva dzesere.

Asi VaMuseveni vari kushorwa zvikuru nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, nevanorwira kodzero dzevanhu vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

VaChamisa vakashora VaMuseveni pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare neChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vasati vasimuka kuUganda, VaMuseveni hurumende yaVaMuseveni yakasunga mumwe ari kuda kuvakwikwidza musarudzo dzemuna 2021, VaRobert Kyagulanyi, vanova muimbi vachizivikanwa nerekuti Bobi Wine.

VaWine vakakomberedzwa pamba pavo nemapurisa uye havasi kubvumidzwa kubva pamba pavo.

VaMuseveni vakavandudzawo bumbiro remitemo yenyika kuitira kuti varambe vachikwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika sezvo vainge vasvika makore avainzi vaende pamudyandigere.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati Zimbabwe haione paine chakaipa naVaMuseveni kunyangwe vamwe vari kugunun'una.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG