Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Pane Vari Kuronga Kupidigura VaMnangagwa


VaEmmerson Mnangagwa

Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaCain Mathema vanoti mapurisa ave kugara akadzipakatira sezvo vachiti pane vari kuda kupidigura hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuburikidza nekuratidzira.

Vatiwo pane vemasangano ekunze vari kuda kushanda nevemasangano akazvimirira kuronga kuratidzira munyika.

VaMathema vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti hurumende haisi kuzopeta maoko ichirega vanhu vachiratidzira vachitungamirwa nevemapato anopikisa nevemasangano akazvimirira oga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gurukota iri raramba kuti hurumende ndiyo iri kupa kuti zvinhu zvisagadzikana munyika nenyaya yemitemo yayo yapa kuti hupfumi huende kumawere.

Vati zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika ndizvo zvapa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo. Vati zvakakokerwa neMDC uye vakayambira bato iri kuti risaratidzire risina mvumo yehurumende.

Asi nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango dzinoti zvakatemerwa vamwe vakuru venyika vanotonga nedemo.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Yadzokoa/Mayibuye IZimbabwe Doctor Victor Chimhutu vati zviri kuitwa nehurumende zvekutadza kugadzirisa hupfumi ndizvo zviri kupa kuti zvinhu zvisagadzikana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG