Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvakarohwa neCyclone Idai Zvovhurwa Pamwe neZvimwe muNyika Yose


Gurukota rinoona nezvedzidzo Muzvinafundo Paul Mavima vanoti zvikoro zvose kuChipinge neChimanamani zvakawirwa nedambudziko redutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti cyclone Idai zvavhurwa.

Vanhu vainge vachigara pazvikoro izvi mushure mekuputsirwa dzimba vakapihwa matende vakabviswa vachiendeswa kune dzimwe nzvimbo.

Zvichakadaro mutauriri weMDC VaJacob Mafume vanoti zvikoro zvavhurwa zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzedzidzo. Mumashoko avo kuvatori venhau, VaMafume vati vabereki vazhinji havasi kukwanisa kubhadhara mari dzechikoro nekuti mihoro haisi kuwedzerwa.

Vatiwo varairidzi vari kuchema chemawo nekushaya mari. Bato iri rati zviri nani kuti varairidzi vabhabharwe nemadhora ekuamerica sezvo martgs ari kushaya simba zuva nezuva.

Tichiri panyaya yekuvhurwa kwezvikoro iyi, paita gakava munyika panyaya yekuti vana vane vabereki vasina kubhadhara mari yechikoro vodzingwa here kana kuti zvikuru vanodzidza vachigara pachikorio kana kuti mabhodha.

Kunyange hazvo mutemo usingabvumire kuti vakuru vezvikoro vadzinge vana vanenge vasina kubhadharirwa mari yechikoro vamwe vabereki vanoti vanotsigira kudzingwa kwevana vanenge vasina kubhadhara zvikuru vanodzidza vachigara pachikoro.

Ongororo yaitwa neStudio 7 nhasi nanezuro mudunhu reMashonaland West inoratidza kuti zvikoro zvakawanda zvanga zvisingatambire vana vanenge vasina kupedza kubhadhara mari dzinodikanwa dzose.

Semuenzaniso pachikoro cheChinhoyi High vana vari kusungirwa kubhadhara mari inosvika chiuru chemadhora nemadhora makumi manomwe – RTGS$1070-kumwana anodzidza achigara pachikoro asi mwana anodzidza ari kubhadhara madhora zana nemakumi matanhatu patemu.

Pamari yose iyi, mari isingabvumirwe nemutemo kuti mwana asadzingirwe madhora makumi maviri chete. Amai Maria Ngondo avo vane mwana ari pachikoro chemuChinhoyi vanoti vabereki vanofanirwa kubhadhara mari yose kuti chikoro chikwanise kutenga zvekudya zvevana zvakavakwanira.

Amai Ngondo vanoti zvinhu zvekudya zviri kukwira zuva nezuva nekudaro vabereki ngavabhadhare mari yose.

Amai Ngondo vanoti vabereki vasingakwanise mari yekuti mwana adzidze achigara pachikoro vanofanirwa kuendesa vana pazvikoro zvemurukisheni izvo zvakachipa.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mubereki Amai Trish Munodawafa avo vanoti vakaendesa vana vavo kunodzidza kumusha sezvo vainge vasisakwanise kubhadhara mari dzinobhadharwa mumaguta zvikuru sei mari dzemalevy.

Amai Munodawafa vanoti kumamisha zviri nyore kutaurirana nemukuru wechikoro kuti munhu anobhadhara sei mari pane mumaguta.

Vamwe vabereki vakaita saAmai Petunia Rwambiwa vanoti nekuda kwekuti zvinhu zvakaomera vanhu sezvo mari dzemihoro dzisina kuwedzerwa vabereki vanofanirwa kupihwa nguva yekuti vabhadhare vana vachienda kuchikoro.

Amai Siphiwe Jeko avo vane mwana anodzidza kuSt Albert’s vanoti vabereki ngavapihwe nguva yekubhadhara vana vachienda kuchikoro sezvo mutemo usingabvumire kuti vana vadzingwe kuchikoro.

Amai Jeko vanoti ibasa rechikoro kuti vapihwe mari nevabereki. Mukuru wepachikoro cheChinhoyi High VaSevious Mutopa vanoti vari kudzinga vana vasina kubhadharirwa mari yose yechikoro sedanho rakatorwa nevabereki.

VaMutopa vanoti mutoro wavo kuchengeta vana vasingaziye nenzara uye mutoro wevabereki kubhadhara mari yose yechikoro kuti vakwanise kechengeta vana.

Munezvimwe zvikoro muChinhoyi zvakaita seNemakonde, Chemagamba, Chikonohono neMhanyame vana havanakudzingirwa mari dzechikoro.

Mudzidzisi wepaNemakonde asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau anoti vana vanenge vasina kubhadhara mari yechikoro kupera kwemwedzi uno vachadzingwa.

Kunyange zvinhu zvakaoma munyaya dzezvehupfumi vabereki vakawanda vari kushingaira kuti vakwanise kubhadharira vana vavo mari dzechikoro.

Mukuoma kwezvinhu vamwe vabereki vari kutoendesa vana vavo muzvikoro zvinobhadharwa mari yekuAmerica.

Zvikoro zvakawanda zvehurumende zvinobhadharisa mari isingadarike mazana maviri patemu asi zvimwe zvikoro zvakazvimirira zvinobhadharisa mari inosvika kuzviuru zvishanu patemu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG