Accessibility links

Breaking News

Chirera Nherera Gogo Gwanzura Vorangarirwa neVamwe paZuva raVanaAmai


Vana vanochengetwa naGogo Gwanzura vakagara pamabhenji ava kapihwa nesangano reBig Sister, Big Brother Project
Vana vanochengetwa naGogo Gwanzura vakagara pamabhenji ava kapihwa nesangano reBig Sister, Big Brother Project

Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekuyemura nekutenda mabasa anoitwa nevanamai kana kuti Mother’s Day.

Vamwe vana vaendesera ana amai vavo maruva nekuvatengera zvipo. Asi vamwe vange vachienda kumisha inochengetwa nherera kunobatsira vanhu vanoita basa guru rekuchengeta vana vasina vabereki ava vamwe vanotoitawo zvekuraswa.

Vamwe vanochengeta nherera mumusha wevazhinji weMufakose ndiAmbuya Winnet Gwanzura vaudza Studio 7 kuti kunyangwe zviome sei vanamai havafanire kurasa vana vachiti, "chirere nhasi mangwana chinozokurerawo."

Gogo Ganzura vanoti vafara nemabhuku uye mabhenji ekugarira avapihwa nesangano reBig Brother, Big Sister rine nhengo dzavashanyira pazuva ravanaAmai iri.

Zuva raanaAmai rinocherechedzwa musi wa 12 Chivabvu gore roga roga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG