Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Mutongo Unoti VaChamisa naVaMudzuri Vakasarudzwa Zviri Kunze kweMutemo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Nyanzvi munyaya dezvemutemo nedzematongerwo enyika hadzina kunyatsowirirana panyaya yemutongo wakaturwa nedare repamusoro nezuro wekuti kudomwa kwakaitwa namuchakabvu Morgan Tsvangirai kwaVaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri sevatevedzeri vavo kwainge kusiri pamutemo.

Vamwe vanoti mutongo uyu wakananaka asi wakanonoka kuturwa izvo vanoti zvinogona kupa kuti zvinetse kuzadzikisa zvinoda kuitwa zvekuti paitwe Extraordinary Congress mukati memwedzi mumwe chete.

Vamwe, kusanganisira vari kutsigira VaChamisa, vanoti uyu mutongo wezvematongerwo enyika uye matare haafanire kupindira mukusarudzira vatsigiri vemapato vatungamiri.

Vachipindura nyaya iyi mubepanhau reHerald, mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, varamba kuti Zanu-PF ine chekuita nemutongo uyu.

Asi Muzvare Thokozane Khupe vanoti vari kutambira mutongo uyu uye vari kuzotaura nemunyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora, kuti vadzoke vatange gadziriro yekongiresi.

Asi mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti kongiresi yavo, iyo iri kutarisirwa mwedzi unouya, iri kuenderera mberi.

Vatiwo magweta avo ari kuzeya kuti otora gwara ripi. Mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi vanoti zvakaturwa nedare iri zvinonetsa kunzwisia sezvo MDC iine mabumbiro akawanda.

Asi nanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaMaxwell Saungweme. vanoti MDC yaifanira kutevedzera mutemo kunyangwe vatendawo kuti mutongo uyu unenge wakanonoka.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi naVaMaxwell Saungweme
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG