Accessibility links

Breaking News

Kucherwa kweMatombo kuDomboshava Kounza Mutauro Mukuru


VaEnergy Mutodi vachitaura nevagari vekuDomboshava
VaEnergy Mutodi vachitaura nevagari vekuDomboshava

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vaudza bazi rezvezviwanikwa uye bazi rezvemamiriro ekunze reEnvironmental Management Agency kuti vaone kuti kucherwa kwematombo kuDomboshava kotanga here kana kuti kwete.

Kambani yekuChina yeAihua Jianye Company iri kumirirwa muZimbabwe ne GeoGlobal Environmental Solutions ndiyo iri kufanirwa kuita mugodhi uyu.

Nyaya yekuti mugodhi wematombo utange kuchera yakonzera mutauro wakanyanya munharaunda iyi.

Vamwe vanoti vanhu vakawanda vachatamiswa misha yavo asi vanomiririra GeoGlobal Environmental Solutions, VaPercy Mudzidzwa, varamba mashoko ekuti vanhu zviuru makumi maviri vachatamiswa.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko uye vari mumiriri weGoromonzi East mudare reparamende, VaEnergy Mutodi, vanoti dombo iri harifanire kuputswa sezvo rakachengetedzwa senzvimbo yekushanyira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawao kanzura wekwaZimbiru vari nhengo yeMDC VaTapiwa Marima varamba kuti vakapihwa mari yechiokomuhomwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG