Vanhu vane nechirwere cheshuga vanoti hupenyu hwavo hwave munjodzi sezvo mishonga yavanoda iri kuramba ichiwedzerwa mari zvekuti vave kupota vachimboregedza kuinwa.
Mukuru weCommunity Working Health Group on Health VaItai rusike vanoti bumbiro remutemo renyika rinoburitsa pachena kuti hutano ikodzero yemunhu.
Asi kune vane chirwere cheshuga vakaita saAmai Heather Koga izvi zviroto pari zvino sezvo mushonga uri kudhura zvakanyanya zvekuti vakawanda vari kutadza kuutenga.
Mutungamiri wesangano rePharmaceutiacal Society of Zimbabwe VaPortifa Mwendera vanoti ivo vari kutenga mishonga ichidhura nekudaro hapana zvavangaitewo.
VaMwendera vati mari yakavimbiswa nehurumende kuti vatenge mishonga haisati yauya sezvo vakangonzi neRBZ vaenda kumabhanga ayo anoti mari yacho ishoma.
Chii chaizvo chinoitika kana munhu asina kunwa mushonga weshuga? Dr Henry Madzorera vaiva gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa vanoti munhu akasanwa mushonga zvinogona kupa kuti hurwere hukombe.
VaRusike vanoti zvakakosha kuti nyika itange kuita nhaurirano dzekuona kuti munhu wose awana mukana wekurapwa akarwara kana kuti Health insurance.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano Dr Obadaih Moyo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. Asi vakamboti muna Zvita mari yekunze iri kushaikwa zvopa kuti kutenga mushonga kunetse.
Facebook Forum