Accessibility links

Breaking News

Nhaurirano dzaVaMnangagwa neMapato Madiki Dzingagadzirise Hupfumi Here?


Amai Thokozani Khupe naVaLovemore Madhuku

Zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi zvaramba zvakaita manyama amire nerongo izvo zvava kupa kuti paite kukandirana makobvu nematete pakati pebato riri kutonga reZanu-PF.

Kunyange hazvo gurukota rezvemari, Muzvinfundo Mthuli Ncube, vari kuti zvinhu zviri mugwara, mitengo yezvinhu iri kuramba ichiita chamurambamhuru.

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTATS inoti kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation kwasvika pazvikamu makumi manomwe nemashanu nezviga makumi masere nezvitanhau kubva muzana kana kuti 75, 86% zvichikonzerwa nekudhura kwemitengo yezvekudya nezvimwe.

Magetsi, mvura, mafuta ekufambisa dzimotokari, mishonga yekurapa vanhu ndezvimwe zvinhu zvisiri kuwanikwa nyore munyika.

Vamwe vanoti munyika munoda nhaurirano kwete kwavanoti kutungana kwembudzi kuri kunzi kuri kuitika munhaurirano pakati peZanu-PF nemamwe mapato anopikisa asina kuwana mavhoti masvinu musarudzo.

Nhaurirano idzi dziri kutarisirwa kutanga zviri pamutemo nemusi weChishanu asi pasina MDC Inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

VaCHamisa vakabuda pachena kuti havasi kuzopinda munhaurirano idzi sezvo vasiri kutambira kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakakunda musarudzo dzakaitwa gore rapera.

Vanomirira Mutasa Central mudare reparamende vari nhengo yeMDC, VaTrevor Saruwaka, vanoti hurumende yakundikana zvachose kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi uye nhaurirano dziri kuitwa nemapato madiki kupedzera hoko padehwe retsindi.

Asi vanomirira Chipinge South vari nhengo yeZanu-PF, VaEnock Porusingazi, vanoti zvinhu zviri kuratidza kuti zvichagadzikana asi zvinoda nguva.

Hurukuro naVaEnock Porusingazi naVaTrevour Saruwaka
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG