Accessibility links

Breaking News

VaDabengwa Voitwa Gamba reNyika Asi Votarisirwa Kuradzikwa Kumusha Kwavo


VaDumiso Dabengwa

Mutumbi wegamba renyika VaDumiso Dabengwa wange uchitarisirwa kusvika munyika nhasi watadza kusvika sezvo zvanzi bhokisi ravo kana kuti casket ratadza kukwana muzvimbo yekutakurira zvinhu kana kuti cargo mundege diki yange ichitarisirwa kuvatakura kubva kuSouth Africa.

VaDabengwa vakashaikira kuNairobi, Kenya nemusi weChina vachibva kunorapwa kuIndia.

Izvi zvave kureva kuti wave kutarisirwa munyika mangwana. Vachitaura panhandare yendege yeJoshua Nqabuko Nkomo International Airport kuBulawayo nhasi kuvanhu vange vauya kuzotambira mutumbi wavo.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi vati Politburo yeZanu-PF yatenderana kuti vaitwe gamba renyika.

Asi vachitaura neStudio 7, sachigaro weZapu VaIsaac Mabuka vanoti vaDabengwa vari kutarisirwa kuradzikwa kumusha kwavo kuNtabazinduna sechido chavo kwete kumarinda eHeroes Acre.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG