Mutumbi wegamba renyika VaDumiso Dabengwa wange uchitarisirwa kusvika munyika nhasi watadza kusvika sezvo zvanzi bhokisi ravo kana kuti casket ratadza kukwana muzvimbo yekutakurira zvinhu kana kuti cargo mundege diki yange ichitarisirwa kuvatakura kubva kuSouth Africa.
VaDabengwa vakashaikira kuNairobi, Kenya nemusi weChina vachibva kunorapwa kuIndia.
Izvi zvave kureva kuti wave kutarisirwa munyika mangwana. Vachitaura panhandare yendege yeJoshua Nqabuko Nkomo International Airport kuBulawayo nhasi kuvanhu vange vauya kuzotambira mutumbi wavo.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi vati Politburo yeZanu-PF yatenderana kuti vaitwe gamba renyika.
Asi vachitaura neStudio 7, sachigaro weZapu VaIsaac Mabuka vanoti vaDabengwa vari kutarisirwa kuradzikwa kumusha kwavo kuNtabazinduna sechido chavo kwete kumarinda eHeroes Acre.
Facebook Forum