Accessibility links

Breaking News

Bato raVaChamisa Roita Musangano kuLupane


VaNelson Chamisa vachiita musangano kumasvingo gore rapera
VaNelson Chamisa vachiita musangano kumasvingo gore rapera

Bato rinopikisa reMDC rinoti riri kuenderera mberi nezvirongwa zvaro kunyangwe dare repamusoro rakapa mutongo wekuti mutungamiri waro VaNelson Chamisa vainge vasarudzwa zvisizvo pavakatanga kuitwa mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri pamwe naVaElias Mudzuri.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti bato iri riri kuronga kuenda kudare repamusoro soro reSupreme Court richikwikwidza mutongo uyu. Nezuro Amai Thokozani Khupe vakati vave kuda kuti vataure nemagweta kuti vaone kuti ndivo votungamira MDC.

Amai Khupe vari kutungamira MDC-T parizvino asi nyaya yemidziyo yebato yakaita semahofisi nemotokari ndiyo inenge ichakonzera mutauro. Hatina kukwanisa kubata Amai Khupe sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mutauriri weMDC VaJacob Mafume vaudza Studio 7 kuti havasi kurega kuenderera mberi nezvirongwa zvavo uye nhasi vange vari kuLupane.

Vati mutongo uyu hausi kuvashaisa hope uye zvose zvave mumaoko emagweta avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG