Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzeVatungamiri veMDC kuCongress Dzononoka Kupera


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Musangano wecongress weMDC uri kuenderera mberi kuAscot Stadium kuGweru nhasi vakawanda vakatarisira zvichabuda musarudzo dzehutungamiri zvikuru pavatevedzeri vemutungamiri webato VaNelson Chamisa uye achaita munyori mukuru webato, mubati wehomwe uye sachigaro webato.

Pane vari kukwikwidza kuva vatevedzeri vaVaChamisa kumadzimai kuna Amai Tracy Mutimhiri, Amai Lynette Karenyi-Kore uye Amai Lilian Timveos.

Kuvarume pane makwikwi akasimba pakati paVaMorgan Komichi, VaWelshman Ncube naVaTendai Biti.

Asi nhengo yeMDC inomirira Binga North mudare reparamende VaPrince Dubeko Sibanda vaudza Studio 7 kuti sarudzo dzanonoka kutanga sezvo kwauya vanhu vakawandisa pane vange vakatarisirwa.

Hurukuro naVaPrince Dubeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG