Accessibility links

Breaking News

Musangano Pakati peZESA neESKOM Wombesendekwa Parutivi


Gwenya reEskom reLethabo, kuSasolburg, South Africa.
Gwenya reEskom reLethabo, kuSasolburg, South Africa.

Nyaya yekudzimwa dzimwa kwemagets ichamboenderera mberi sezvo musangano pakati pehurumende yeZimbabwe neSouth Africa panyaya yekuti Zimbabwe ikwereteswe mamwe magetsi nenyika iyi wange uchifanira kuitwa svondo rino wambomira sezvo kwave negurukota idzva rezvemando dzemoto kuSouth Africa rati rinoda kanguva kekumbofema.

VaGwede Mantashe ndivo vave gurukota rezviwanikwa nemhando dzemoto.

ZESA ine chikwereti kuMozambique neSouth Africa chinosvika mamiriyoni makumi masere emadhora uye Reserve Bank of Zimbabwe iri kuyedza kubatsira ZESA kuti ibhadhare imwe mari pachikwereti ichi.

ESKOM yakati yambomira kutengesera ZESA magetsi nenyaya yechikwereti ichi.

Asi gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vaudza Studio 7 kuti vari kuti nyika dziri mudunhu reSADC dzinodzimurana ndebvu kana paita dambudziko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ukuwo kambani yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company iri pasi peZESA inoti makurukota ehurumende, makanzuru, mapazi ehurumende nevanhuwo zvavo vane chikwereti chakakura kuZesa chavarikutadza kubhadhara.

Zvichakadaro, VaChasi vadzingawo basa bhodhi reZESA rakadomwa musi wa 20 Kurume nevaive gurukota vebazi ravo, VaJoram Gumbo.

Vadzingwa basa vanosanganisa sachigaro VaCollins Chihuri, Muzvare Jacqueline Sande, VaTrust Chifamba, VaHussein Omar, Amai Cathrine Befura, VaThomas Timire uye Engineer Benson Munyaradzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG