Mwanakomana wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, Emmerson Mnangagwa Junior aramba mashoko ekuti akakwereta mari kubhanga reCommercial Bank of Zimbabwe akakundikana kudzosera mari yacho.
Hurongwa hwehurumende hwekuti vanhu vashandise dhora remunyika chete reRTGS dollar hwave kuramba kutambirwa nevanhu vakawanda munyika sezvoi vemabizimisi vave kuti vave kuda mari dzekunze pane zvavari kutengesa kunyngwe vakawanda vari kutambiriswa mari dzemaRTGS.
Bhanga reCommercial Bank of Zimbabwe, CBZ, rinonzi rinogona kunge rakarasikirwa nemamiriyoni emadhora nenyaya yekukweretesa vamwe vakuru munyaya dzezvematongerwo enyika avo vasiri kubhadhara zvikwereti zvavo kubhanga.
Kushaikwa kwemagetsi munguva dzinenge veruzhinji vari kuita mabasa akasiyana siyana kwava kupa kuti vamwe vanhu pamwe nemabhizimisi vashande kwenguva pfupi munguva dzehusiku apo magetsi anenge achiwanikwa.
Munyori mukuru wesangano revashandi reZCTU VaJaphet Moyo vanoti zviri mugwaro reongororo yemabatirwo emari kuNational Social Security Authority kana kuti NSSA zvinoshungurudza zvikuru sezvo zviri kuburitsa pachena kuti pane huori hunotyisa huri kuitwa kukambani.
Vamwe vemakombi nemabhazi nhasi vawedzera mari dzinobhadharwa nevanhu zvichitevera kukwidzwa zvekare kwemafuta ekufambisa dzimotokari nehurumende nezuro kubva pamadhora manomwe kusvika pamadhora mapfumbamwe emaRTGS.
Sangano revashandi reZimbabwe Congreess of Trade Unions, ZCTU, rinoti harisi kufara zvachose nehurongwa hwemafambisirwo emari uye kuwedzerwa kwemari yebhajeti rakaturwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, nemusi weChina.
Hurumende yeAmerica nhasi yatemera zvirango zvekufamba Retired Major General Anselem Nhamo Sanyatwe nemudzimai wavo Amai Chido Machona-Sanyatwe vanove nhengo yeparamende inomirira Nyanga North mudare reparamende.
Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto VaFortune Chasi vanoti hurukuro nekambani yeESKOM yekuSouth Africa panyaya dzekuti Zimbabwe itengeserwe magetsi dzichiri kuenderera mberi.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari kutarisirwa kuparura neChitatu hurongwa hwavo hwepakati pegore hwekufambiswa kwemari kana kuti midyear fiscal policy uye kuwedzera mari yebhajeti kana kuti supplementary budget.
Kusungwa kwegurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika Amai Prisca Mupfumira kuri kutambirwa nenzira dzakasiyana siyana munyika.
Nyaya yekushomeka kwemagetsi uye kudhura nekushomeka kwemafuta ekufambisa dzimotokari kwave kupa kuti mitengo yezvinhu iwedzerwe uko vashandi vasiri kuwedzerwa mari.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika vaconstantino chiwenga vanonzi vaenda kunorapwa kuchina vachibva kuSouth Africa kwavange vari.
Gurukota rezvemhando dzemoto VaFortune Chasi vanoti hurumende svondo rino ichaita misangano nemakambani enharembozha mushure mekunge nezuro kwaita dambudziko rekusashanda kwenharembozha dzeEconet.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa vanoti vari kuenderera mberi vachinzwa pfungwa dzevanhu asi zvavari kunzwa zviri kuratidza kuti munyika mapindwa naPongwe.
Kunyange hazvo hurumende yakapa mapurisa nemauto mari yekubatsirikana inosvika madhora mazana emaRTGS svondo rapera, vamwe vashandi vehurumende vakaita sevarairidzi, madhokotera navanamukoti vatambira neChishanu, havasati vapihwa mari iyi.
Chikwata chehurumende chiri kuongorora bata murefu bata mupfupi iri kuitika mukanzuru yeBulawao change chiri kutarisirwa mudhorobha iri neChina kuti chitanga basa nemusi weChishanu.
Zimbabwe National Statistics Agency yakazivisa nemusi weMuvhuro kuti kukwira kwemutengo zvinhu, inflation, kwasvika pazvikamu zana nemakumi manomwe nezvishanu kubva muzana, uchibva pazvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe kubva muzana.
Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change raparura gwara rayo rekuyedza kugadzirisa nyika rinonzi Road to Economic Recovery, Legitimacy, Openness And Democracy kana kuti RELOAD muHarare Gardens
Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi zvasvika pakaipisisa zvekuti kurarama yave nyasha dzaNyadenga.
Rodhai zvimwe