Chikwata chehurumende chiri kuongorora bata murefu bata mupfupi iri kuitika mukanzuru yeBulawao change chiri kutarisirwa mudhorobha iri neChina kuti chitanga basa nemusi weChishanu.
Mukanzuru yeBulawayo maita kunetsana kunotyisa mushure mekunge mutevedzeri wameya, VaTinashe Kambarami, avo vakaedza kumisa basa munyori mukuru weguta, VaChristopher Dube, vachivapomera mhosva yehuori.
Bato reMDC radaidzawo makanzura aya kuti riyedze kugadzirisa kunetsana kuri mukanzuru kwapa kuti mamwe mapato akaita seMthwakazi Republican Party apindire achishora bato reMDC vachiti riri kuunza vabva kure kuti vatungamire mudunhu reBulawayo.
Asi MDC inoti pamutemo hapana chakaipa kuti munhu akwikwidze kwaakavaka musasa chero muri muZimbabwe.
Mutauriri weMthwakazi Republican Party, VaMbonisi Gumbo, vanoti MDC iri kusarudza vanhu vasingakwanise kutaura mutauro wechiNdevere.
Asi mutevedzeri wemunyori wezvekutongwa kwematunhu mubato reMDC, VaClifford Hlatshwayo, varamba kuti kune makanzura avo asingagone kutaura chiNdevere.
Facebook Forum