Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voramba Mari dzemaRTGS Vachida Madhora ekuAmerica


Hurongwa hwehurumende hwekuti vanhu vashandise dhora remunyika chete reRTGS dollar hwave kuramba kutambirwa nevanhu vakawanda munyika sezvoi vemabizimisi vave kuti vave kuda mari dzekunze pane zvavari kutengesa kunyngwe vakawanda vari kutambiriswa mari dzemaRTGS.

Musi wa24 Chikumi, hurumende yakazivisa kuti mari yemuZimbabwe yemaRTGS dollars chete ndiyo inenge yave kushandiswa munyika kwete bhasikiti remari dzose kusanganisa marand, pula nedhora rekuAmerica.

Izvi zvakatevera danho rainge ratorwa musi wa 22 Kukadzi rekubatanidza mari dzose dzemunyika kusanganisa, RTGS nemabond kuumba mari inonzi RTGS dollars. Asi zvekuda kudzosa dhora remunyika zvinenge zvarova mudhuri.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Godfrey Kanyenze vanoti izvi hazvishamise sezvo zvakamboitika kare.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vatenda kuti vemabhizimisi vari kuramba kutambira mari dzemaRTGS.

VaMutashu vatiwo zviri kuratidza kuti vemabhizimisi nevanhuwo zvavo vari kushaya chivimbo nemari yemunyika.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vati hurumende yakakurumidza kudzosa dhora remunyika isina kugadzirisa zvinodiwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari nhengo yeZanu-PF VaGilbert Muponda vanoti zvakakosha kuti hurumende iwanise vanhu mari dzemaRTGS dollars nekuti kushomeka kwayo kwave kukonzera mutauro wakanyanya.

Vamwe vanedzimba dzekurojesa muHarare vari kutiwo vave kuda mari yekuAmerica zvinonzi naDr Kanyenze zvasiya mushandi ari pamhene.

Kunyangwe zvinhu zvakaoma kudai, gurukota rezvehupfumi muzvinafundo Mthuli Ncube vari kuti nyikairi mugwara rakanaka kugadzirisa hupfumi. Vanotiwo vanozviziva kuti zvichamborwadza asi zvichagadziriswa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG