Kunyange hazvo hurumende yakapa mapurisa nemauto mari yekubatsirikana inosvika madhora mazana emaRTGS svondo rapera, vamwe vashandi vehurumende vakaita sevarairidzi, madhokotera navanamukoti vatambira neChishanu, havasati vapihwa mari iyi.
Hurumende inoti hayo pane zvimhingamupinyi zviripo zviri kukonzerwa nekunetsana kwemabhanga nePaynet iyo iri kuti haisi kuzoshanda nemabhanga emunyika kusvika abhadhara chikwereti.
Asi hurumende inoti vashandi vose vachapihwa mari yekubatsirikana iyi nhaurirano dzemihoro dzichienderera mberi.
Hurumende inoti iri kuda kupa vashandi ava mari inosvika zana remadhora asi ivo vachiti vanoda mari inotosvika zviuru zvina zvichienderana nekushaya simba kwedhora reRTGS rave kushandiswa munyika.
Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rakakurudzira nemusi weChina varairidzi kuti vatange kuratidzira neChishanu richiti harisi kufara nezviri kuitwa nehurumende pakutaurirana kuri kuitwa.
Vanachiremba navanamukoti vanonzi vave nenguva vachienda kumabasa mazuva maviri chete sezvo vari kuti havana mari.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti varairidzi vachatanga kuratidzira neMuvhuro.
Kunyange hazvo vamwe vashandi vehurumende vari kuti vave kudawo kutanga kuratidzira, sangano revashandi vemuzvipatara vanosanganisira madhokotera navanamukoti reHealth Apex Council rinoti nhengo dzaro dziri kuenda kubasa mazuva maviri chete.
Vanotungamira mubatanidzwa wemasangano evashandi vemuzvipatara weHealth Apex Council,Va Panganai Chivese, vaudza Studio7 kuti naivowo vange vasati vapihwa mari yekubatsirikana.
Facebook Forum