Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMagetsi Kwopa Kuti Vanhu Vashande Husiku


Kushaikwa kwemagetsi munguva dzinenge veruzhinji vari kuita mabasa akasiyana siyana kwava kupa kuti vamwe vanhu pamwe nemabhizimisi vashande kwenguva pfupi munguva dzehusiku apo magetsi anenge achiwanikwa.

Vanoita mabasa emaoko akaita sekusona nemishina inoda magetsi, kuweredha, pamwe nekugadzira motokari pachidiwa moto wemagetsi, vava kuita mabasa aya munguva dzavanofanirwa kunge vakarara, sezvo iri iyo nguva iri kuwanikwa magetsi kwemaawa mashanu kana matanhatu pazuva.

Mumwe wevanhu ava, VaBen Kidney Chisale, vanosona mbatya pa Mabelreign Shopping Center.

VaChisale vanoti vava kushanda nguva dzavakange vasingashandi kana magetsi achiwanikwa nguva dzose.

Vanoti sezvo kusina magetsi, vave kushandisa maoko avo vachitenderedza vhiri remushini wavo, uyo unoshandisa magetsi, kuitira kuti varambe vachiita basa rinovawanisa mari.

VaChisale vanoti havasi kumborara zvakanaka kubva zvatanga kunetsa magetsi. Muswero wese wezuva vanenge vachitambira machira anouya nevanhu vanenge vachida kusonerwa mbatya dzavo. VaChisale vanoti panozouya magetsi pakati pehusiku, vanobva vatora mukana uyu kuita basa ravo.

Makanika wemotokari kuBluffhill Industries, VaNohlipo Magadlela, vanoti vanoshanda husiku hwese kusvikira mangwanani zvokuti vaakutya kuti zvinogona kuzovhiringidza hutano hwavo.

VaMagadlela vanoti vanorara mumota dzavanogadzira idzodzo nokuti hapana zvimwe zvinhu zvavanokwanisa kuita sezvo basa rokugadzira mota riri iro rinoraramisa mhuri yavo.

Dambudziko iri riri kusanganawo nevasikana vakaita saMuzvare Junior Musango, avo vanoshanda mudzimba. Vanoti basa zhinji rave kuitwa husiku magetsi adzoka, izvo zvinovasiya vaine nguva shoma yekuzorora.

Kambani yemagetsi, yeZimbabwe Electricity Supply Authority, Zesa, inoti ichokwadi kuti iri kudzima dzima magetsi senzira yekuti magetsi mashoma ari kuwanikwa munyika, ashandiswewo neveruzhinji munguva dzaanenge adzoka.

Mutauriri weZesa, Va Fullard Gwasira, vanoti Zesa yatarisana nedambudziko iri nepamusana pekudzikira zvakanyanya kwaita mvura yemuKariba Dam, iyo inoshandiswa mukugaya magetsi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti dambudziko reZesa rekutadza kuwanira nyika magetsi riri kukonzerwa nekutadza kwayo Zesa kubhadhara zvikwereti zvayo zvemagetsi kumakambani anoti Eskom yekuSouth Africa, neHidroelectrica deCabora Bassa yekuMozambique.

Kunyange hazvo gurukota rezvemagetsi, VaFortune Chasi, vari kutaurirana nemakambani aya kuitira kuti atange zvakare kukweretesa Zimbabwe magetsi - panguva iyo Zesa inenge ichibhadhara zvikwereti zvayo kumakambani aya, chokwadi chiripo ndechekuti makambani aya, ayo ari kunetsekanawo nenyaya dzemari, ari kuda kutanga abhadharwa mari dzawo kuitira kuti atange zvakare kukweretesa Zesa magetsi.

Kudzamara dambudziko iri ragadziriswa, zvinhu zvicharamba zvichioma muZimbabwe, izvo zvinodzosera shure budiriro yenyika.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG