Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Voparura Hurongwa hweKufambiswa kweMari neChitatu


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari kutarisirwa kuparura neChitatu hurongwa hwavo hwepakati pegore hwekufambiswa kwemari kana kuti midyear fiscal policy uye kuwedzera mari yebhajeti kana kuti supplementary budget.

Asi chii chaizvo chingatarisirwe nenyika kubva kuna VaNcube?

VaNcube vakatarisana nematambudziko makukutu anosanganisira kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation, kushaikwa kwemagetsi uye kuderera kwezvinhu zviri kugadzirwa nemaindasitiri.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati dare remakurukota rakazeya nemusi weChipiri zvimwe zviri mugapu raVaNcube vakaona kuti zvavari kuda kuita zvinogona kuburitsa hupfumi mukanwa mamupere.

Asi kusvika pari zvino zvii chaizvo zvinobatika zvaitwa naVaNcube kubva zvavaparura chirongwa chekugadzirisa hupfumi kana kuti Transitional Stabilisation Program?

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira Confederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti VaNcube vaisa zvinhu mugwara nemitemo yavo.

Mukuru weCEO Africa Roundtable, VaOswell Binha, vanoti Muzvinafundo Ncube vanofanira kuramba vachiona kuti hurumende haisi kushandisa mari yaisina.

Chipangamazano chemutungamiri wenyika mukomiti yePresidential Advisory Council uye vaive mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaBusisa Moyo, vanotiwo pane zvizhinji zvavari kutarisira kuti zvigadziriswe kuitira kuti vemaindasitiri vatange kushanda zvakanaka.

VaMoyo vati nenyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu, vemabhizimisi vave kutatarikawo zvakanyanya.

VaNcube vainge vavimbisa kuti muna Chikunguru zvinhu zvinenge zvotanga kuderera mutengo uye kuti mukupera kwegore, inflation inenge yave pazvikamu zviri pasi pegumi kubva muzana asi kusvika pari zvino zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida.

Asi vamwe vanoti vanhu havafanire kutarisira mapipi nezviratidzo kubva kuna VaNcube nekuti hupfumi huchatora makore kugadzirisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG