Accessibility links

Breaking News

Emmerson Mnangagwa Junior Anoti Haana Chikwereti kuCBZ


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mwanakomana wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, Emmerson Mnangagwa Junior aramba mashoko ekuti akakwereta mari kubhanga reCommercial Bank of Zimbabwe akakundikana kudzosera mari yacho.

Pane gwaro rine mazita evanhu makumi maviri nevatanhatu vanova vakuru vakuru munyaya dzezvematongerwo enyika vari kunzi vakakwereta mari yavari kukungikana kudzosera kusanganisa Amai Grace Mugabe mudzimai wevaive mutungamiri wenyika.

Hatina kukwanisa kubata Amai Mugabe avo vari kuSingapore kuri kurapwa murume wavo kutanga muna Kubvumbi.

Mumashoko kuStudio 7 padandemutande reWhatsApp, Emmerson Junior ati pane vanhu vari kuda kumusvibisa vachinyora manyepo.

Ati iye haana kumbobvira adyidzana nebhanga reCBZ. Aenderera mberi achiti nenyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu. Vamwe vezvematongerwo enyika vari kungoda kumusvibisa kuitira kuti vanhu vapandukire mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Vamwe vanonzi vapihwa mari vanosanganisira mudzimai wevaive mutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe, mwanakomana wemutungamiri wenyika Emmerson Mnangagwa Junior. Hatisati takwanisa kubata vaviri ava sezvo nharembozha dzavo kana magweta anombovamirira dzange dzisiri kudairwa.

Asi vamwe vanonzi vakakwereta mari igurukota rezvedzidzo Muzvinafundo Paul Mavima avo vati vari kubhadhara chikwereti chavo sezvo vakaita chubvumirano chekubhadhara nebhanga iri. VaMavima vanonzi vakatora mari inosvika chuuru zana nemakumi maviri yavati havo handiyo chaiyo sezvo vakatora shoma.

VaMavima varamba kuti vakashandisa nyaya dzezvematongerwo enyika kuti vawane chikwereti ichi vachiti vane zvibatiso zvavakapa bhanga.

Nhengo yedare reparamende inomirira Zengeza West mudare reparamende vari mutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala vanoti havana chikwereti sezvo bhanga iri rakatengesa zvivakwa zvavainge vavaka kuChitungwiza zvakazotengeswa nebhanga iri. VaSikhala vanonzi vane chikwereti chemari inozvika zviuru zana.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF uye vaimbova gurukota rehurumende VaObert Mpofu vanonzi vapihwa chikwereti chemari inosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu vati vakakwereta mari yakawanda kudarika apa asi vakadzosera nekudaro havaone chikonzero chekuti vasvibiswe zita ravo.

Doctor Mpofu vatiwo kukwereta mari kumabhanga kunoratidza kuti havaite zvehuori.

Amai Edna Madzongwe avo vaimbova mutungamiri wedare reSenate varamba kuti vane chikwereti kuCBZ.

Vaimbova chipangamazano chemutungamiri wenyika VaChris Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti havana kutora chikwereti asi kuti bhondi kuZIMRA rezvinhu zvavainge vatenga kunze. Vati zvimwe zvezvinhu zvacho zvakazotorwa sechibatiso.

Mari inonzi VaMutsvangwa havana kubhadhara neCBZ inosvika zviuru mazana matanhatu nemakumi mashanu.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vakuru veCBZ zvekare nhasi kuti tinzwe divi ravo.

Asi gweta riri kunzi ritevere zvikwereti izvi VaTendai Biti vakaudza Studio 7 kuti vainge vapihwa basa asi vakati hadzisi nyaya dzavanotaura nevatori venhau sezvo vasingakwanise kufukura hapwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG