Accessibility links

Breaking News

General Chiwenga Vorapwa kuChina neNyanzvi Kubva Kunyika Ina


VaConstantino Chiwenga
VaConstantino Chiwenga

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanonzi vaenda kunorapwa kuChina vachibva kuSouth Africa kwavange vari.

Izvi zvaburitswa mumashoko kuvatori venhau nemutauriri wevatungamiri venyika VaGeorge Charamba.

Bepanhau reHerald rinoti izvi zvinotevera danho rakatorwa neChina neZimbabwe kuti VaChiwenga varapwe navanamazvikokota kubva kuZimbabwe, South Africa, China ne India.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa svondo rapera vakazivisawo nezvehurwere hwaVaChiwenga vachiti vave kuyedza kuzvigwinyisa muviri sezvo vange vonzwa zviri nani.

VaCharamba vatsinhirawo mashoko aya. Studio 7 haina kukwanisa kubata VaCharamba kuti tinzwe zvizere.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vati hurumende yaburitsa mashoko aya sezvo ichida kuti vanhu munyika vazive zvizere nezvehutano hwevatungamiri wavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG