Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voparura Gwaro ravo reRELOAD Vachiti Nyika Inoda Hurukuro Chaidzo Kwete Kutungana kweMbudzi


VaMnangagwa naVaChamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaNelson Chamisa vaparura gwara rebato ravo rekuyedza kugadzirisa nyika rinonzi Road to Economic Recovery, Legitimacy, Openness And Democracy kana kuti RELOAD muHarare Gardens.

VaChamisa vaudza Studio 7 kuti gwara ravo iri rine zvinhu zvishanu zvavanofunga kuti zvinofanira kugadziriswa kuti nyika ibude mukanwa mamupere.

Chekutanga vati vacharatidzira murunyararo nekuona kuti dambudziko reZimbabwe razeyiwawo neSADC, vatiwo vanoda kuti nyika muitwe nhaurirano chaidzo kwete kutungana kwembudzi kwavati kuri kuitwa pari zvino.

Chechitatu vati panoda kuti paumbwe hurumende inombofanobata matomu yoona kuti paiswa hurongwa hwakati tsvikiti hwekuvandudza nyika, pasati paitwa sarudzo dzakachena.

VaChamisa vati pahurumende yemubatanidzwa yemuna 2009 kusvika 2013 zvinhu hazvina kufamba zvakanaka uuye vati rwendo rwuno chakachenjenza ndochakatanga nekudaro havasi kuzongomhanyira kupinda mune imwe hurumende yemubatanidzwa asi pasina gwara rakajeka kuti chii chinofanira kuvandudzwa uye nguvai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG