Vamwe vemakombi nemabhazi nhasi vawedzera mari dzinobhadharwa nevanhu zvichitevera kukwidzwa zvekare kwemafuta ekufambisa dzimotokari nehurumende nezuro kubva pamadhora manomwe kusvika pamadhora mapfumbamwe emaRTGS.
Vamwe vawedzera nedhora rimwe chete panzendo pfupi dziri pasi pemakiromita masere. Asi vamwe vanoti vanogona kurega kufamba sezvo vakawedzera vanhu vachimhanyira kumaZUPCO ayo ari kubhadharisa mari shoma zvikuru.
Mafuta ekufambisa dzimotakari akwidzwa katatu mumavhiki matatu. Mari dzematoll gates dziri kuwedzerwawo.
Munyori wezvemabasa musangano reGreater Harare Association of Commuter Omnibus Operators VaCaleb Dominic Beteta vanoti vari kunzwisisa kuti vashandi havana mari asi hapana zvavangaite sezvo naivo vari kutatarikawo nekudhura kwezvinhu.
Facebook Forum