Munyori mukuru wesangano revashandi reZCTU VaJaphet Moyo vanoti zviri mugwaro reongororo yemabatirwo emari kuNational Social Security Authority kana kuti NSSA zvinoshungurudza zvikuru sezvo zviri kuburitsa pachena kuti pane huori hunotyisa huri kuitwa kukambani.
Kusafambiswa zvakanaka kwemari uku kwapa kuti vanhu vari pamudyandigere vanonge svosve nemuromo.
Kambani iyi inonzi yakarasikirwa nemari yekuAmerica inosvika zana nemakumi manomwe nemashanu emadhora nenyaya yehuori.
Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika Amai Prisca Mupfumira vakatosungwa neZimbabwe Anti Corruption Commission nezvenyaya iyi. Asi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.
Pari kutarisirwa kuti svondo rino pachasungwa vamwe vane chitsama vanonzi vakabatwa mumambure ehuori hunonzi hwakaitika kuNSSA vanosanganisa vaive sachigaro wekambani iyi VaRobin Vela, mumiri wedare reparamende kuGoromonzi North uye vari mukuru weMetbank VaOzias Bvute uye muzvinabhizimisi VaAdam Molai nevamwe.
Vamwe vakaita saVaMolai navaVela vari kuti vachaendesa kumatare vanhu vari kuvapomera mhosva dzehuori.
Asi vataura nestudio 7 kubva kuSpecial Anti-Corruption Unit iri muhofisi yemutungamiri wenyika vati vakatoendesa mamwe magwaro kuZACC kuti vanhu vari kupomerwa mhosva kuNSSA vasungwe.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi Doctor Sekai Nzenza avo vati vange vari munzira kuenda kuHarare sezvo vange vasiri muguta. VaMoyo vanoti vashandi vanofanira kuzeya kuti voramba vachidyidzana neNSSA here sezvo kusvika parizvino vasina kana mumiriri.
Facebook Forum