Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Haina Kufara neHurongwa hwaVaMthuli Ncube hweKufambiswa kweMari


Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube
Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube

Sangano revashandi reZimbabwe Congreess of Trade Unions, ZCTU, rinoti harisi kufara zvachose nehurongwa hwemafambisirwo emari uye kuwedzerwa kwemari yebhajeti rakaturwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, nemusi weChina.

ZCTU inoti zvinhu zvizhinji zviri mubhajeti raVaNcube zvinoomesera vashandi avo vagara vachitatarika kare.

Hurumende yakawedzera mitero yakawanda kusanganisira mutengo wemagetsi, matoll gates nezvimwe.

Asi VaNcube mubhajeti mavo vakawedzera mari isingabatirwe mutero pamuhoro wepamwedzi kusvika pamazana manomwe nemakumi mashanu emaRTGS vachiti izvi zvinosiya vashandi vaine mari muhomwe.

Munyori mukuru weZCTU, VaJapahet Moyo, vaudza Studio7 kuti zvakaitwa naVaNcube hazvina zvazvinonyanya kubatsira sezvo vashandi vachiri kungotambira mari shoma shoma zvikuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG