Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Dzoyambira Kuti Zimbabwe Yananga Kumawere


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika zvasvika pakaipisisa zvekuti kurarama yave nyasha dzaNyadenga.

Mitengo yezvinhu iri kuramba ichiita chamurambamhuuru ichikwira ukuwo zvinhu zvakaita semvura nemagetsi zvave kunetsa kuwana zvopa kuti vanhu varare vakapfeka shangu sezvo zvave kuuya husiku kunge muroyi.

Vanhu vakawanda havana mabasa uye vari kushanda vacho vashoma vave kutarisana nechigumura sezvo makambani asiri kushanda zvakanaka nekushaya magetsi nemari yekunze inodiwa kutenga zvimwe zvaanoshandisa.

Ko dambudziko rapinda mumusha iri ringagadziriswe sei chaizvo?

Vamwe vanoti pave kuda kuitwa hurukuro pakati pemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa.

Asi izvi zvingabastira here?

Gweta uye vari nhengo yeZanu-PF, VaTinomuda Chinyoka, vanoti nhaurirano hadzina zvadzinobatsira vachiti veMDC inofanira kungobvuma kuti yakakundwa musarudzo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzengi, vanoti hurumende yaVaMnangagwa inofanira kunyatsovandudza zvinhu nekuti iri kungoita zvimwe chete zvaiitwa nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG