Zimbabwe National Statistics Agency yakazivisa nemusi weMuvhuro kuti kukwira kwemutengo zvinhu, inflation, kwasvika pazvikamu zana nemakumi manomwe nezvishanu kubva muzana, uchibva pazvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe kubva muzana.
Izvi zvasiya vashandi vakawanda munyika vasina chekubata uye munyika musisina kugadzikana sezvo poita ropa rakaipa pakati pevashandi nehurumende.
Pavewo nekutyityidzirana kwava kuitika munyika zvikuru kuvanhu vanofungidzirwa kuti vanogona kukonzera kuti munyika vanhu varamwe mabasa.
Mutungamiri wesangano reZCTU, VaPeter Mutasa, vati vatumirwa bara repfuti kuhofisi kwavo.
Asi VaMutasa vati kusungwa kana kutyisidzirwa uku hakusi kuzovakanganisa kurwira kodzero dzevashandi avo vave kunonga svozve nemuromo.
Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou.
Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaChris Mugaga, vanoti zvinonetsa kuti vemakambani vawedzere vashandi mari nekuti naivo vari kuremerwa sezvo kusina magetsi nezvimwe.
Vaimbova gurukota rezvemari uye vari mumwe mutevedzeri wemutungamiri weMDC, VaTendai Biti, vanoti zvinhu hazvife zvakagadzirika munyika kana maindasitiri asiri kushanda zvakanaka.
Mashoko aya atsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma.
Asi vachipawo pfungwa dzavo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaCallisto Jokonya, avo vanova nyanzvi munyaya dzehupfumi, vanoti vanhu havafanire kunyanya kuvhunduka nekukwira kwemitengo yezvinhu nekuti hurumende iri kuyedza kugadzirisa zvinhu kwete zvaiitika muna 2008.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakabvisa mari dzakasiyana siyana dzaishandiswa munyika kuti pashandiswe dhora remunyika chete nechinangwa chekuti mitengo yezvinhu idzikiswe.
Asi kusvika pari zvino zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida.
Facebook Forum