Accessibility links

Breaking News

Mitengo Yotarisirwa Kukwirazve neKuda kweKudhura kweMafuta


Madzimai achida kutenga hupfu kwaMutoko
Madzimai achida kutenga hupfu kwaMutoko

Nyaya yekushomeka kwemagetsi uye kudhura nekushomeka kwemafuta ekufambisa dzimotokari kwave kupa kuti mitengo yezvinhu iwedzerwe panguva iyo vashandi vasiri kuwedzerwa mari.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers Association, VaDenford Mutashu, vayambira vanhu kuti mitengo ichawedzera kukwira kwayo muzvitoro sezvo mafuta ekufambisa dzimotokari akawedzerwawo nemusi weMuvhuro.

VaMutashu vanotiwo vamwe vemuzvitoro vatoregera kutengesa zvimwe zvinhu nenyaya yekushaikwa kwemagetsi.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaHenry Ruzvidzo, vanotiwo kushaikwa kwemagetsi kwave kuita kuti bhizimisi kunetse.

Mumwe muzvinabhizimisi, VaGilbert Muponda, vati makambani anofanira kupihwa masimba ekuti vagadzirise dambudziko remagetsi kuitira kuti varambe vachiita basa.

VaMuponda vatiwo mutemo unofanira kuchinjwa mukutengwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari.

Kunyange hazvo zvinhu zvakaoma kudai, munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandi havasi kuwedzerwa mari vachipa semuenzaniso vashandi vehurumende.

VaRuzvidzo vanoti vanoda chose kugadzirisa matambudziko evashandi kunyange hazvo zvinhu zvaita mhidigari.

Mumashoko kuvatori venhau nemusi weMuvhuro, kambani yeEconet yakati yave kuomerwa nekuita basa sezvo mutengo wekuita basa uri kuramba uchiwedzera.

Kambani iyi inotiwo mari yemafuta ekufambisa dzimotokari yawedzerwa nezvikamu zvinodarika mazana mashanu kubva muzana ukuwo dhora remunyika reRTGS radonha nezvikamu mazana mapfumbamwe kubva muzana kubva muna Ndira.

Kambani iyi inoti mari yakawanda yave kupera vachitenga dhiziri kuti vashandise magwenya nekuti magetsi ari kudzimwa kwenguva yakareba dzimwe nguva maawa anodarika gumi nemasere.

Kukwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu kuri kupawo kuti inflation irambe ichiita chamurambamhuru uye Zimstats yakati yainge yasvika pazvikamu zana nemakumi manomwe nezvishanu kubva muzana mwedzi wapera kunyange hazvo hurumende yainge yati inofanira kunge yasvika pazvikamu zviri pasi pegumi mukupera kwegore.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG