Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoita Misangano neEconet neMamwe Makambani


Econet
Econet

Gurukota rezvemhando dzemoto VaFortune Chasi vanoti hurumende svondo rino ichaita misangano nemakambani enharembozha mushure mekunge nezuro kwaita dambudziko rekusashanda kwenharembozha dzeEconet.

Kambani iyi yakaita dambudziko rekushaya dhiziri rekusimudza magwenya emagetsi zvakapa kuti mishina iyi itadze kushanda zvakanaka. Magetsi ari kudzimwe kwemaawa anodarika gumi nemasere.

Vanhu vakatadza kushandisa mari dzavo dzeEcocash zvakapa kugunun’una kwakanyanya.

Asi VaChasi vanoti kana zvichibvira nezvikwereti zvinekambani yeZESA, vemakambani makuru vanokwanisa kubatsira hurumende nemari vozopihwa magetsi semuripo seimwe nzira yekupedza dambudziko iri.

Mutauriri weEconet VaFungai Mandiveyi vati vari mumusangano uye vachatipa mhinduro izere mangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG