Accessibility links

Breaking News

Retired Major General Sanyatwe Votemerwa Zvirango neAmerica


Hurumende yeAmerica yatemera zvirango zvekufamba pamwe nezvehupfumi kune vaimbove mukuru mukuru muchiuto, Retired Major General Anselem Nhamo Sanyatwe, pamwe nemudzimai wavo, Amai Chido Machona-Sanyatwe, avo vanove nhengo yeparamende inomirira Nyanga North mudare reparamende.

VaSanyatwe ndivo vaitungamira mauto anochengetedza mutungamiri wenyika, kana kuti Presidential Guard, uye vakapomerwa mhosva yekutungamira mauto akapomerwa mhosva yekupfura vanhu vairatidzira nevaizvifambira zvavo muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu gore rapera.

Vairatidzira ava vaiti vaisafara nenyaya yekuti vaiti Zimbabwe Electoral Commission yaironga tsoro yekubirira sarudzo.

VaSanyatwe vakagadzwa nevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro chekuva mukuru wePresidential Guard muna 2005, vachitora basa iri kubva kuna Brigadier General Armstrong Gunda.

Muna 2017 mauto avaitungamira ndiwo akatungamirawo zvakanyanya kupidigurwa kwehurumende yaVaMugabe.

Vachipa huchapupu kukomiti yaitungamirwa nevaimbove mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, iyo yaiongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu, VaSanyatwe vakayedza kunakurira nyoka mhenyu kune vanopikisa hurumende vachiti mamwe mabara ainge asina kubva kumauto avaitungamira.

Asi vanopikisa vanoti izvi ndezvemugotsi matsuro.

Gore rino VaMnangagwa vakadoma VaSanyatwe kuti vaite mumiriri weZimbabwe kuTanzania.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangawana, vanoti zvirango izvi hazvina nematuro ose sezvo zvisingatsigirwe neUnited Nations.

Hurukuro naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzengi, vanoti zviri kuitika zvinoratidza kuti Zimbabwe ichiri kuonekwa senyika isina hutongo hwejekerere nenyika dzakabudirira.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG