Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Hurumende Ngaibutitse Magwaro eHuori kuNSSA Kwete Kungosunga Amai Mupfumira


Amai Prisca Mupfumira
Amai Prisca Mupfumira

Kusungwa kwegurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, kuri kutambirwa nenzira dzakasiyana siyana munyika.

Vamwe vanosanganisira mumwe mukuru wevechidiki muZanu-PF, VaLewis Matutu, vakambonyunyuta nezvekusasungwa kwaAmai Mupfumira, vatumira mashoko patwitter yavo vachitenda sachigaro weZACC, Amai Loice Matanda Moyo, vachiti ndiye sachigaro anogonesa akadomwa kutungamira ZACC.

Vane pfungwa dzakadai vanoti zvaitwa zvinoratidza kuti ZACC ine mazino.

Asi vamwe vanoti chakachenjedza ndochakatanga vachiti vaneta nenyaya yekuti vanhu vanosungwa voregegedzwa.

Vari kuti hapana zviripo vari kutiwo hurumende inofanira kuburitsa magwaro maviri anoratidza kusafambiswa zvakanaka kwemari kuNational Social Security Authority kana kuti NSSA.

Rekutanga rakaitwa nekambani iyi rinonzi NSSA Report rimwe rechipiri rakaitwa nehofisi inoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende kana kuti Auditor and Comptroller General.

Magwaro aya aifanira kuburitswa kuruzhinji uye kudare reparamende kubva kare.

Asi padademutanda ravo reTwitter, veZACC vati vane gwaro iri uye vari kuri penengura kuti vazoona kuti vakanokora mari zvisiri pamutemo vasungwa.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vati vanoda kuona vose vakadomwa mumagwaro ehuori kuNSSA vachisungwa.

Gweta uye vari nhengo yeZanu-PF, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti vanhu vanofanira kupa ZACC nguva sezvo makomishina achangotora mhiko.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG