Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto VaFortune Chasi vanoti hurukuro nekambani yeESKOM yekuSouth Africa panyaya dzekuti Zimbabwe itengeserwe magetsi dzichiri kuenderera mberi.
VaChasi vaudza Studio 7 kuti parizvino South Africa haina magetsi ari kutengesera Zimbabwe.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kukambani yeESKOM iyo yakaita chikwereti chemari inosvika mabhiriyoni makumi maviri emarands mukushanda kwayo kubva gore rapera kusvika muna Kurume gore rino.
Kambani iyi yave kurarama nerubatsiro rwairi kupihwa nehurumende yeSouth Africa. Vakuru muESKOM vari kuti Zimbabwe inofanira kubhadhara chikwereti chinosvika mamiriyoni makumi matatu emadhora ekuAmerica kana ichida kutenga magetsi.
Zvichakadaro, makambani mazhinji munyika ari kuti ari kutatarika nenyaya yekushaya magetsi zvopa kuti mamwe avhare kana kuti ati vanhu vashande maawa mashoma husiku panenge paine magetsi.
Asi dambudziko iri riri kupa mukanha kune mamwe makambani akaita seZimplow iyo iri kutengesa magwenya emagetsi kana kuti magenerator. Kambani iyi inotiwo yakaita zviri nani gore rino kunyangwe zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.
Mukuru mukambani iyi kana kuti Group Chief Executive VaVimbayi Nyakudya vanoti kambani yavo iri kuitawo mari nekutengesa magejo anodonzwa nemombe munyika dzekuchamhembe kweAfrica.
Facebook Forum