Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vasere vafa nechirwere ichi nemusi weMugovera.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weChitatu vanhu mazana matatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 mumwe chete akafa zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano munongedzo wekuti chirwere ichi chave kupararira zvinotyisa.
Muzvare Thokozani Khupe avo vachangobva mukukundwa musarudzo dzekongiresi yechimbi chimbi yakaitwa nemusi weSvondo nebato ravo reMDC vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti vabatwa nechirwere cheCovid-19 uye vakakumbira vanhu kuti vavanamatire.
Hurumende yapa chenjedzo kunyika kuti igadzirire dutumupengo remhepo nemafashamu emvura rinonzi tropical cyclone Chalane rasvika kune dzimwe nzvimbo kutanga neChitatu
Hurumende inoti ine tarisiro yekuti kuti hupfumi hwenyika huchakwira muna 2021 kunyangwe hazvo dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti zvinhu zvinogona kutonyanya kuipa.
Murwiri wekodzero dzevanasikana uye vakambotungamira sangano reGirl Child Network muZimbabwe, Muzvare Betty Makoni vakabatwa nechirwere cheCovid-19 kechipiri gore rino.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMuvhuro vanhu vashanu vakashaya nechirwere cheCovid-19 zvaunza huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu ane makumi mashanu nevana kana kuti 354.
Mumwe mutongi wedare remajisitiriti, VaMorgan Nemadire, vakamiswa pamberi pedare neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekuita zvehuwori vari pabasa vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vambenge vachitsika madziro vachiramba kusaina mabhiri anoti rekubatsira vanhu munguva yeCovid nekuti hurumende irambe ichishanda vazoita izvi vari kuFlorida uko vari pazororo.
Vanhu vekuManicaland zvikuru munzvimbo dzakaita seChimanimani neChipinge vari kugara vakabatira hana mumaoko sezvo vanoona nezvemamiriro ekunze vari kuyambira kuti vatarisana zvekare nerimwe dzmbudziko remafashamu emvura uye dutumupengo remhepo kana kuti Tropical Cyclone Chalane.
Vanhu makumi mana nevaviri kana kuti 42 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika, vamwe churu nemazana masere nemakumi mashanu nevasere kana kuti 1, 858 vachibatwa nechirwere ichi mukati memavhiki maviri adarika.
Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika mukupemberera zuva rekisimusi rinova rakakosha zvikuru kune vakawanda.
Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube muhurongwa hwekufambiswa kwemari hwebhajeti regore rinouya kana kuti bhajeti statement vari kubuda pachena kuti vawedzera mambhure kuona kuti vanhu vakawanda munyika vabhadhara mari yemutero kusanganisira vanozviitira mabasa emaoko.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vakakundwa musarudzo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats idzo vari kuramba kutambira vakwirazvekare kudare repamusoro soro reSupreme Court vachida kuti risatambira zvakabuda musarudzo dzemudunhu rePennsylvania.
Sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers rabatana nevamwe vemabhizimisi nevanorwira kodzero dzevatengi kukurudzira hurumende kuti imire kumanikidza kubhadhara mutero vanoenga mupunga wekutengesa kubva kunze kwenyika.
Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vafa nechirwere ichi. Munhu mumwe chete akafa kuManicaland neMasvingo.
Vamwe vakaputsirwa dzimba kuBuduriro pasi pemushandirapamwe unonzi Tembwe Housing Cooperative vanyora tsamba kumutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga kuti vave batsira sezvo vari kuti mukanzuru maita huori.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kuti vanhu venyika yavo havafanire kunyanya kuvhunduka mashoko ekuti Russia yakasora magwaro akakosha mumapazi ehurumende yeAmerica uye mamwe makambani emunyika iyi.
Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vaviri vafa nechirwere ichi neMugovera
Meya weguta reBindura VaBrian Kembo vanoti zvaive nani kuti vanhu vakadhirikirwa nemugodhi paRan Mine pedyo nedhorobha iri vavigwe havo ipapo nekuti hapachina kana tarisiro yekuburitsa mutumbi kana mumwe chete zvawo.
Rodhai zvimwe