Bazi reUnited Nations rinoona nezvechikafu reWorld Health Organization raisa chikumbiro cheimwe mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemana kana kuti 204 million yekubatsira vanhu mamiriyoni mana vemuZimbabwe vatarisana nenzara.
Kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi pakati pehurumende nebato guru rinopikisa reMDC Alliance nezvekupwanywa kwedzimba dzinonzi dzakavakwa zvisiri pamutemo kuBudiriro, Zimre Park nedzimwe nzvimbo kunyangwe mvura iri kunaya.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti vasamanikidza Reserve Bank of Zimbabwe kudhinha mari sezvo mari iri mubhajeti renyika isiri kukwana.
Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 muHarare nemusi weChina zvaunza huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kusvika pamazana matatu ane gumi kana kuti 310.
Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kutarisirwa nhasi kudomwa zviri pamutemo nematunhu ose pachasangana vamiriri vematunhu aya kumatare avo vachiumba inonzi Electoral College.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu makumi maviri nevanomwe kana kuti 27 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika nemusi weSvondo
Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nemusi weMugovera kuBulawayo nechirwere cheCovid-19 zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira munyika vave mazana matatu nevanomwe kana kuti 307.
Vamwe vanhu vakapwanyirwa dzimba kuBudiriro vari kuramba kutambira kurudziro yehurumende yekuti vaende kunogara mumatende kuZimbabwe Grounds.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vabatana nenhengo dzebato ravo remaRepublicans mudunhu reTexas nemamwe matunhu kukwidza kudare nyaya yekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dzisatambirwe mushure mekukundwa kwavo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats.
Zimbabwe neChina yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu sezvakatarwa neUnited Nations.
Pane hurongwa hwekuti vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vachatoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya vanhu vasina kuungana paWashington Mall muguta reWashington DC sezvinoitwa makore ose nekuda kwekupararira zvakanyanya kwechirwere checoronavirus.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro kuHarare, Bulawayo neMasvingo.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu zana nemumwe kana kuti 101 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro. Pavanhu ava, makumi mana nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi munyika vamwe makumi mashanu nevashanu vakabva nacho kuSouth Africa.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump neMugovera vakaenda ku Valdosta, Georgia kunobatsira kutsvagira rutsigiro vari kukwikwidza vakamirira bato remaRepublicans musarudzo mbiri dzakakosha zvikuru dzedare reSenate.
Sarudzo dzemakomiti epasi kana kuti District Coordinating Committees dziri kuenderera mberi mubato reZanu-PF kunyangwe hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka sezvo dzimwe nhengo dzebato iri dzabatwa nechirwere cheCovid-19
Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC Alliance zvakaunganana nezuro kwaChiwara kwaGutu kuMasvingo kunyaradzo yaAmai wemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa, avo vakashaya musi wa 6 Chikunguru gore rino mushure mekurwara kwenguva pfupi pfupi
Bazi rezvehutano rinoti mumwe munhu mumwe chete akashaya nechirwere cheCovid-19 nezuro kuManicaland zvichireva kuti vanhu vafa nechirwere ichi kusvika parizvino vave mazana maviri nemakumi masere nemumwe kana kuti 281.
Basa rekununura vanhu vakadhirikirwa nemugodhi weRan Mine kuBindura rakambokanganiswa nemusi weChitau nemvura yakawanda iri kunaya munzvimbo iyi.
Vachuchusi vehurumende vatenderana nemagweta amuchakabvu Genius Kadungure aizivikanwa neremadunhurirwa rekuti “Ginimbi” kuti nyaya yaange achipomerwa yekupinza motokari mbiri munyika yeBently Continental neRolls Royce
Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden nemutevedzeri wavo Amai Kamala Harris vari kutarisirwa kudoma vamwe vanhu vachange vari mubazi ravo rezvehupfumi.
Rodhai zvimwe