Accessibility links

Breaking News

Dare Rorasa Mhosva Yange Ichipomerwa "Ginimbi"


Genius Kadungure
Genius Kadungure

Vachuchusi vehurumende vatenderana nemagweta amuchakabvu Genius Kadungure aizivikanwa neremadunhurirwa rekuti “Ginimbi” kuti nyaya yaange achipomerwa yekupinza motokari mbiri munyika yeBently Continental neRolls Royce achishandisa mapepa enhema dziraswe sezvo akashaya munjodzi yemumugwagwa mwedzi wapera kuBorrowdale, muHarare.

Ginimbi akashaya pamwe neshamwari dzake nhatu kusanganisira Mitchel Amuli kana kuti Moana uyo akaradzikwa mukupera kwesvondo kumarinda eWarren Hills.

Zimra yange ichipomerwa Ginimbi mhosva yekutadza kubhadhara mutero wemari inosvika zviuru makumi mapfumbamwe nemazana maviri nemakumi matanhatu emadhora kana kuti US$90, 260.

Gweta rake rauya kudare netsamba yekwamudzviti inoratidza kuti akashaya kana kuti death certificate vacguchusi vakatenda kuti pange pasin chikonzero chekuti nyaya iyi irambe ichitongwa.

Mune imwe nyaya, gurukota rezvemari Muzvinfundo Mthuli Ncube vanzi nedare repamusoro vaburitse zvikwereti zvose zvakatorwa nenyika kuAfrica Export Import Bank nemamwe mabhanga kubva muna 2017 sezvo kusaita izvi kwavange vachiita kutyora bumbiro remitemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG