Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vobatana neMamwe Matunhu Kupikisa Zvakabuda Musarudzo kuMatare


VaTrump naVaBiden
VaTrump naVaBiden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vabatana nenhengo dzebato ravo remaRepublicans mudunhu reTexas nemamwe matunhu kukwidza kudare nyaya yekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dzisatambirwe mushure mekukundwa kwavo naVaJoe Biden vebato remaDemocrats.

Nyaya iyi yakakwidzwa kudare negweta guru mudunhu reTexas VaKen Paxton. Dzimwe nhengo dzedare remaRepublicans dzakakwidzawo nyaya kudare kuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka mudunhu rePennsylvania asi dare reSupreme Court rakati pakanga pasina humbowo hwakakwana uye vatongi vose vematare vapfumbamwe vakatenderana nemutongo uyu.

VaTrump vari kuti mamwe matunhu haana kutevedzera mutemo sezvo aiti aityira kupararira kwechorwere cheCovid-19. Asi matare mazhinji arasa nyaya zhinji dzevatsigiri vaVaTrump achiti hapana humbowo huru kuunzwa kudare.

Asi vamwe mubato raVaTrump vari kuti zvavari kuita kupedza nguva. Senator John Cornyn vebato remaRepublicans vatiwo havaone zviri kuitwa naVaTrump nevamwe muTexas zvichishanda nekuti muAmerica matunhu ose ane kodzero yekuita sarudzo sezviri mumutemo yavo nekudaro Texas haingapindire mune zviri kuitwa ikoko. VaTrump nevamwe vavo vari kuda kuti patariswe zvakabuda kumatunhu akakosha avakakundwa anoti Georgia, Michigan, Pennsylvania neWinsconsin.

Senator Mitt Romney vakambokwikwidza vakamirira bato remaRepubuplicans vatiwo zviri kuitwa zvinoratidza kushaya njere.

Zvichakadaro VaBiden svondo rinouya vari kutarisirwa kuenda kudunhu reGeorgia kunobatsira kutsvaga rutsigiro VaJon Ossoff naVaRaphael Warnok avo vari kukwikwidza musarudzo mbiri dzakakosha zvikuru dzichaburitsa pachena kuti ndiyani anenge achitungamira mudare reSenate. Vakamirira maRepublicans ndiVaDavid Purdue naAmai Kelly Loeffler.

VaBiden parizvino vari kuita basa vari mudunhu ravo reDelaware vakamirira kutora mhiko musi wa 20 Ndira vozopinda muWhite House muWashington DC.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG