Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva Rekodzero dzeVanhu


VaTawanda Muchehiwa
VaTawanda Muchehiwa

Zimbabwe neChina yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu sezvakatarwa neUnited Nations. Asi munyika hamuna kuwirirana hurumende ichiti iri kuremekedza kodzero dzevanhu asi vanopikisa vachiti munyika maberekera ingwe.

Mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo VaEdgar Moyo vanoti kodzero dzevanhu dzakakosha zvikuru muhupenyu asi dzinoshaya basa kana veruzhinji vasingazive nezvadzo.

VaMoyo vange vachitaura semunyarikani pachiitiko chemakundano ezvikoro ekucherechedza zuva reInternational Human Rights Day muBulawayo. Vati zvakakosha kuti vechidiki kunyanya vakure vachiziva nezvekodzero dzevanhu.

Sachigaro weZimbabwe Human Rights Commission VaElasto Mugwadi vatsinhirawo izvi vachiti komisheni yavo iri kuita zvose zvainogona kuti idzidzise vanhu nezvekodzero dzavo. Vati chirongwa cheHigh School
Human Rights Quiz ndeimwe nzira yekuedza kudzidzisa vanhu nezvekodzero dzevanhu.

Vachipindura mubvunzo wekuti vanoona sei ruzivo rweveruzhinji pamusoro pekodzero dzavo, VaMugwadi vati vanogutsikana kuti vanhu vakwanda vave kuziva nezvekodzero dzavo kana kuchitariswa zvichemo zvinounzwa kukomisheni yavo.

Chikoro chePumula High School ndicho chakunda zvimwe zvikoro zvitatu zvange zviri mumakundano emibvunzo iri pamusoro pezvekodzero dzevanhu uye chawana mubairo wemadhora mazana mapfumbamwe ekuAmerica kana US$900.

Mumwe mudzidzi wepaPumula Elton Chirinda uyo ange ari muchikwata change chiri mumakundano ata ati afara zvikuru kuti chikoro chake ndicho chakunda.

Mumashoko kuvatori venhau, masangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu ati Zimbabwe yadzokera kumashure zvakanyanya uye vanhu vari kumbunyikidzwa.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights raburitsa mashoko kuvatori venhau richiti hurumende iri kushandisa zvirongwa zvekurwisa chirwere checoronavirus sechombo chekutyora kodzero dzevanhu.

Sangano iri ratiwo komisheni yeThe African Commission on Human and Peoples’ Rights yakabuda nechisungo chakashora zvikuru Zimbabwe nekutyora kodzero dzevanhu painenge ichiti iri kurwisa denda reCovid-19.

Sangano iri rinoti mashoko aya akauya mushure mekunge vamwe vakuru muUnited Nations muna Chikumi vashora nyaya yekupambwa kwevanhu uye kutochwa.

Asi hurumende iri kuti vamwe vari kuzvipamba nechinangwa chekuda kusvibisa zita renyika kunyangwe isiri kuferefeta nyaya dzimwe dzinonzi dzine humbowo huri pachena seyekupambwa kwaTawanda Muchehiwa nevanofungidzirwa kuti vasori.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vatiwo zvakakosha kuti Zimbabwe iremekedze kodzero dzevanhu.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition ratumirawo mashoko kuvatori venhau richiti nyika dzakawanda mudunhu reSADC dziri kutyora kodzero dzevanhu.

Zvichakadaro, munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vari kukurudzira vanhu pasi rose kuti vaendese kodzero dzevanhu pamberi muhurongwa hwekuyedza kugadzirisa zvinhu zvaita manyama amire nerongo nekuda kwechirwere checoronavirus.

Mumashoko kuvatori venhau, VaGuterres vati chirwere ichi chanyanya kukonzera matambudziko kuvashandi, vanasikana, madzimai, vakwegura vakaremara uye marudzi madiki. Vatiwo vamwe vatungamiri vabva vatora mukana wechirwere ichi kudzvinyirira vanhu zvakanyanya.


Zuva reInternational Human Rights Day izuva rinocherechedzwa pasi rose musi wa10 Mbudzi wega wega. Dingindira regore rino rakanangana nekutsvaga nzira dzekubuda munyatwa yedenda reCovid-19 pachichengetedzwa kodzero dzevanhu kana kuti "Recover Better - Stand Up for Human Rights”

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG