Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Mashanu neVaPfumbamwe (59) Vofa neCovid muMavhiki Maviri Adarika


Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira mushure mekunge vamwe vanhu vasere vafa nechirwere ichi nemusi weMugovera.

Vanhu vafa mumavhiki maviri adarika chete vave makumi mashanu nevapfumbamwe kana kuti 59.

Vanhu vafa kubva chirwere ichi zvachatanga kupararira vave mazana matatu nemakumi manomwe nevanomwe kana a kuti 377.

Nemusi weMugovera vanhu mazana mana nevanomwe kana kuti 407 vakabatwa nechirwere ichi munyika. Uhu ndihwo huwandu hwakawandisa hwazivisa kubva zvakatanga kupararira chirwere ichi.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zvuru gumi nezvina nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 14,491.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zvuru gumi nerimwe zvine mazana matatu nemakumi matatu kana kuti 11, 363. Izvi zvinotevera kupora kwevanhu gumi nevatanhatu neMugovera. Vanhu vachiri kurwara zvuru zviviri nemazana manomwe nemakumi mashanu nerimwe kana kuti 2,751.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira vanhu kuti vangwarire sezvo pane nekamwe kamhando kechirwere cheCovid-19 kakatanga kuBritain neSouth Africa ako kanopararira zvakanyanya.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Doctor Enoch Mayida avo vakambotungamira chipatara cheChitungwiza vanoti chiri kunetsa ndechekuti pane nekamhando kamwe keCovid-19 kave kupararira zvakanyanya.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Africa

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana masere kana kuti 2, 8 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zvuru makumi matanhatu nevatanhatu vane mazana matanhatu nemakumi matatu nemumwe kana kuti, 66, 631. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave mamiriyoni maviri nezvuru mazana matatu kana kuti 2,3 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Pasi Rose

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi masere nevana ane zvuru mazana matanhatu kana kuti 84, 6 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi. Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana matatu zvine makumi mashanu kana kuti 350, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri kana kuti 20 miillion.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti 1, 8 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi mana nemanomwe zvuru mazana matanhatu kana kuti 47, 6 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG