Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotarisira Kusimukira kweHupfumi Muna 2021 Vamwe Vachiti Mutora


Gurukota rezvehupfumi VaMthuli Ncube
Gurukota rezvehupfumi VaMthuli Ncube

Hurumende inoti ine tarisiro yekuti kuti hupfumi hwenyika huchakwira muna 2021 kunyangwe hazvo dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti zvinhu zvinogona kutonyanya kuipa.

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafudo Mthuli Ncube uye gavhuna weReserve Bank Doctor John Mangudya vanoti vane tarisiro yekuti hupfumi hwenyika huchasimukira gore rino. Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzine maonero akasiyana vakawanda vachiti vanotenda maruva vadya chakata.

Mutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ Doctor Israel Murefu vanoti zvinokwanisika kuti hupfumi husimukire kana hurumende ikanyatsotevedzera gwara rayo rezvehupfumi rayakaparura kna kuti National Development Stratey 1 uye vachiti dhora remunyika ragadzikana zvapa kuti mitengo isangorambe ichiita chamurambamhuru.

Asi vayambirawo kuti dambudziko rechirwere cheCovid-19 rinogona kukanganisa hupfumi hwenyika zvakanyanya nekuti chirwere ichi chadzoka zvine hukasha vachiti nhomba inofanira kukurumidzwa kupihwa vanhu nekuti vakawanda munyika havachatevedzeri kurudziro kubva kubazi rezvehutano.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vati pane zvakawanda zvinofanira kuti zviitike zvakafana nekunaya zvakanaka kwemvura nekuti kurima musimboti wehupfumi hwenyika.

Asi vayambirawo kuti nyaya yedutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti Cyclone Chalane rinogona kukonzera matambudziko munyaya dzezvehupfumi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVcitor Bhoroma vatiwo pane zvakawanda zvinogona kupa kuti hupfumi hwenyika husimukire zvakafana nekuwanikwa kwemagetsi uye kushandiswa kwedhora rekuAmerica zvapa kuti hupfumi hugadzikana. Asi vatiwo hurumende inofanira kusaodhinda mari zvinozokanganisa hupfumi hwenyika.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vati hapana chiri kuratidza hacho kuti hupfumi huchakwirira sezvo makambani ari kutovhara nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vamwe vanoti havo Zimbabwe ine mukana wakakura wekusumdzira hupfumi asi nyaya yekutonga nedemo uye huori ndizvo zvapa kuti nyika iite seyakageza negoka munyama zvinhu zvichiita madamburaka mutariko wekumahositeri.

Nyaya Ina Blessing Zul
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG