Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo neMafashamu Tropical Cyclone Chalane Rokanganisa Dzimwe Nzvimbo kuManicaland


Hurumende yapa chenjedzo kunyika kuti igadzirire dutumupengo remhepo nemafashamu emvura rinonzi tropical cyclone Chalane rasvika kune dzimwe nzvimbo kutanga neChitatu. Mafashamu aya atotanga kuMozambique neMadagascar.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti hurumende ichayedza napose painogona kubatsira vanhu ichishandawo nedzimwe nyika dzemuSADC.

Mumwe mukuru musangano reUnited Nations munyika Amai Maria Rebeiro vakakurudzira mumusangano negurukota rezvematunhu VaJuly Moyo nemamwe mapazi ehurumende kuti vaite mushandirapamwe pakubatsira vanhu.

Vamwe vari kuChimanimani vanoti kunze kuri kuratidza kuti hakuna kumira zvakanaka uye dzimwe dzimba dzatobviswa marata nemhepo. Vamwe vanhu vanonzi vari kupinza zvipfuyo zvakaita sembudzi nehuku mumba mavari.

Nzvimbo dziri kutarisirwa kutanga kuwirwa nedambudziko remafashamu nedutumupengo iMutare, Chimanimani neChipinge risati rapararira kune dzimwe nzvimbo.

Dutumupengo riri kutarisirwa kusvika kuBulawayo manheru anhasi kutanga na10 uye nzvimbo dziri munjodzi dzinosanganisira Makokoba, Cowdray Park, Pumula South, Old Pumula, Nketa 9 Queens Park nedzimwe.

KuMashonaland East nzvimbo dzakaita seGoromonzi, Murewa, Mutoko Mudzi dziri kutarisira mafashamu emvura. Hurumende yakatotanga basa rekubvisa vamwe vanhu zvikuru vari muManicaland vari munzira yedutumupengo nemafashamu aya.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Council of Churches iro riri kubatsirawo vanhu kuManicaland Reverend Kenneth Mtata vanoti vafundisi vari kuvaudza kuti kune dzimwe nzvimbo mvura yatanga kunaya.

Hurukuro naReverend Kenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG