Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMuvhuro vanhu vashanu vakashaya nechirwere cheCovid-19 zvaunza huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu ane makumi mashanu nevana kana kuti 354.
Pavanhu vakashaya neMuvhuro ava, mumwe wacho ndiVaAbel Mtimba wekuMasvingo anova mukoma wemumwe mutori wenhau weStudio 7, Godfrey Mtimba.
Mutauriri wemhuri, VaDereck Mtimba vaudza Studio 7 kuti mukoma wavo kashaya mushure mekudzoka munyika kubva kuSouth Africa musi wa 23 Zvita. Mufi ange ari kuchipatara cheRujeko Isolation Centre muMasvingo.
Vanhu makumi manomwe nemumwe vakabatwawo nechirwere ichi neMuvhuro uye pavanhu ava, vaviri vakadzoka kubva kuSouth Africa. Vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga vave zvuru gumi nezvitatu zvine zana nemakumi mana nevasere kana kuti 13, 148.
Vapora zvuru gumi nemazana manomwe nemashanu kana kuti 10, 705. Vachiri kurwara zvuru zviviri nemakumi masere nemapfumbamwe.
Facebook Forum