Accessibility links

Breaking News

Murwiri weKodzero dzeVanasikana Muzvare Betty Makoni Vobatwa neCovid-19 keChipiri


Muzvare Betty Makoni

Murwiri wekodzero dzevanasikana uye vakavamba sangano reGirl Child Network muZimbabwe, Muzvare Betty Makoni vakabatwa nechirwere cheCovid-19 kechipiri gore rino.

Vachitaura neStudio 7 vari kuBritain, Muzvare Makoni vati vave kunzwa zviri nani uye vanachiremba vatovapa tsamba yekuratidza kuti vapora. Muzvare Makoni vanoti nyaya yekuti vanomboshanda vachipinda muzvipatara nedzimwe nzvimbo dzine vanhu vakawanda inopa kuti vapindewo munjodzi yekutapurirwa chirwere ichi.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti munhu paanobatwa nechirwere cheCovid-19 kekutanga anokwanisa kungopedza mwedzi mitatu chete masoja emuviri wake akamudzivirira.

Ana chiremba vachiri kuzeya nyaya nyaya dzevanhu vanobatwa nechirwere cheCovid-19 kaviri sezvo vachiri vashoma. Nyika dzine vanhu vabatwa nechirwere ichi kechipiri dzinosanganirsira America, Britain, Hong Kong, Belgium, the Netherlands ne Ecuador.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Mark Pandori vanova mukuru paNevada State Public Health Laboratory muAmerica vanoti kubatwa nechirwere ichi kechipiri kwevanhu ava munongedzo wekuti kunyangwe ukapora kubva kuCovid-19 unofanira kugara wakazvichengetedza kunyangwe wambopora kubva kuchirwere ichi.

Vanokurudzira vanhu kuti vapfeke mamamask, kugeza maoko uye kusangoita magungano.

Hurukuro naMuzvare Betty Makoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG