Mapato mashanu anopikisa Zanu-PF neChipiri akatanga musangano mukuru wemazuva maviri wekuyedza kuumba mubatanidzwa sarudzo dzisati dzaitwa.
Sangano reSADC rinoti rave kuita musangano waro mukuru wekuzeya Zimbabwe kuMaputo, Mozambique neMugovera.
Dare remakurukota neChipiri rakatanga kuzeya nyaya yemitemo inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti ienderane nebumbiro idzva sarudzo dzisati dzaitwa munyika.
Masangano akazvimirira audza SADC kuti anoda kuti munyika mutange mavandudzwa zvinhu sarudzo dzisati dzaitwa.
Musangano mukuru weSADC wange uchitarisirwa kuitwa musi weSvondo kuMaputo Mozambique wambosendekwa parutivi.
Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa Zanu-PF ari kusangana muHarare neChitatu kuti azeye nyaya yesarudzo
Komisheni inoona nezvesarudzo munyika, yeZimbabwe Eectoral Commission, inoti mari yakabva kubazi rezvemari kuti ishandiswe mukunyoresa vanhu kuti vazokwanisa kuvhota, yava muhomwe yayo.
Bhiri iri rakaunzwa kudare negurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, mushure mekunge ragazetwa muna Zvita 2012.
ZEC inoti ichatanga svondo rinouya chirongwa chekunyoresa vanhu munharaunda dzavagere kana kuti mobile voter registration kwemazuva makumu matatu anotevera.
Sangano reSouthern Africa Development Community, SADC, rinoti richaita musangano mukuru wekutsvagira Zimbabwe mari yekuti iite sarudzo gore rino.
Mutongi wedare ramajastiriti muBindura akaona VaElton Mangoma vasina mhosva yavange vachipomerwa yekuti vakatuka mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Politiburo yebato reZanu-PF yakasangana zvekare muHarare neChitatu asi ikakundikana zvakare kuti rigadzirise mitemo yekuti ndivanani vanobvumidzwa kupinda musarudzo dzayo dzemaprimary elections.
Mumwe wevakuru-vakuru anga achishanda mubazi revasori, VaElias Kanengoni, vashaya.
Gurukota rinoona nezvemari muSouth Sfrica, VaPravin Gordhan, vanoti zimbabwe kana ichida kubatsirwa nemari yesarudzo inofanira kunyora tsamba kuSADC kwete kuhurumende yeSouth Africa.
Bato reZanu-PF riri kuita musangano wePolitiburo neChitatu kuti rizeye nyaya yemitemo yesarudzo dzemaprimary elections yaunza mutauro wakanyanyanya mubato iri.
Kunetsana pakati peMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai nevamwe vakuru vakuru muchipurisa nekumauto kuri kuenderera mberi zvinonzi nevamwe zvokonzerwa nenyaya yekuti nyika yatarisana nesarudzo.
Chikwata cheZanu-PF chiri kutungamirwa nasachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, chapinda muMasvingo umo chiri kuyedza kupedza bopoto riri mubato iri apo ratarisana nesarudzo dzenyika.
Makurukota ehurumende matatu nevesangano reZimbabwe Election Commission vakapinda mumusangano neChina wekuzeyeya nyaya yekuti vaise mutemo kana kuti statutory instrument unotaura nezvekurerutsira vanhu kuti vakwanise kunyoresa kuvhota.
South Africa iri kuramba kudududza panyaya yekuti misariridzwa yose yemuGlobal Political Agreement inofanira kutanga yagadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.
Chibvumirano cheGPA chinosungira VaMugabe kugara pasi nevamwe vavo muhurumende vowirirana zuva rinofanirwa kuitwa sarudzo.
Rodhai zvimwe