Accessibility links

Breaking News

South Africa Inoti Zimbabwe Ngaivandudze Zvinhu Isati Yaita Sarudzo


VaJacob Zuma
VaJacob Zuma
South Africa iri kuramba kudududza panyaya yekuti misariridzwa yose yemuGlobal Political Agreement, GPA, inofanira kutanga yapera sarudzo dzisati dzaitwa.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, ndivo mutongi gava panyaya yeZimbabwe vakamirira nyika dziri kuchamhembe kweAfrica, SADC.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti svondo rino chairo vanogona kutara zuva resarudzo.

Asi vachitaura nenhepfenyuro yeNews24 mutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, VaEbrahim Ebrahim, vanoti nyaya yekuti sarudzo dziitwe mwedzi unouya kungori kutaura zvematongerwo enyika kwete zvinhu zvingatambirwe.

VaEbrahim vanoti South Africa inoda kuti vanhu vose vagare pasi votenderana zuva resarudzo uye kuti misariridzwa yose itange yapera kugadziriswa. Vanotiwo vakagadzirira kubatsira Zimbabwe nemari yesarudzo.

Asi vamwe muZanu-PF vakaoma musoro saVaJonathan Moyo, nhengo yePolitiburo, vanoti South Africa yave kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi mashoko aVa Ebhrahim ari kutsinhirwawo nechipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, avo vanoti vanoda kuti vari kutungamira nhaurirano muZimbabwe, vavape gwara rakajeka sarudzo dzisati dzaitwa.

Vanotungamira nhaurirano ava vari kutarisirwa kusangana neChina kuti vazeye nyaya iyi.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reTrust Africa muZimbabwe, VaBriggs Bomba, vanoti VaZuma vanofanira kuona kuti muZimbabwe maitwa sarudzo dzakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG